Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 9

9
Kurobga kweJerusarema.
1Ipapo akaɗanidzira munzeʋe dzaŋgu nenzwi guru, aciti: Sweɗedzai ʋatariri ʋeguta, mumŋe nomumŋe anenhumbi yake yokuparadza muruʋoko rwake. 2Ɀino tarira, ʋarume ʋatanhatu ʋakabva nenzira yesuʋo rokumsoro, riri kurutiʋi rwokumsoro, mumŋe nomumŋe anehubga yake muruʋoko rwake, nomumŋe murume pakati paʋo akafuka muceka, anorunyaŋga rweiŋgi rwomunyori paciʋuno cake. Ʋakapinda, ʋakandomira parutiʋi rweartari yendarira. 3Ɀino kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kwakwira kucibva pakerubi, pakwakaŋga kuri, kukaȿika kucikumbaridzo ceimba; akaɗana murume wakaŋga akafuka muceka, wakaŋga anorunyaŋga rweiŋgi rwomunyori paciʋuno cake. 4Jehova akati kwaari: Pfuʋura napakati peguta, napakati peJerusarema, uise ciratidzo pahuma dzaʋanhu ʋanogomera nokucema pamsoro peɀinonyaŋgadza ɀose ɀinoitwa mukati maro. 5Asi kunaʋamŋe wakati, ini ndiciɀinzwa: Pfuʋurai nomuguta mucimuteʋera, muʋuraye; ziso renyu ŋgarirege kupembedza, musaʋa netsitsi; 6ʋurayai cose ʋatana namajaya nemhandara naʋanana naʋakadzi; asi regai kusweɗera kunomumŋe uneciratidzo; mutaŋge panɀimbo yaŋgu tȿene. Ipapo ʋakataŋga naʋatana ʋakaŋga ʋari pamberi peimba. 7Akati kwaʋari: Ȿiɓisai imba, muzadze maʋazhe naʋakaʋurawa; ciɓuɗai. Ʋakaɓuɗa, ʋakaʋuraya muguta. 8Ɀino ʋakati ʋaciʋuraya, ini ndasiyiwa ndiri ndoga, ndikawira pasi neciso caŋgu, ndikacema, ndiciti: Haiwa, Ishe Jehova! Ko moparadza ʋose ʋakasara ʋaIsraeri pakuɗurura kwenyu hasha dzenyu pamsoro peJerusarema here? 9Ipapo akati kwandiri: Ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri naJuda ɀakakura kwaɀo, nyika izere neropa, neguta rizere neɀisakarurama; nokuti ʋanoti: Jehova wakabva panyika, Jehova haaʋoni. 10Neni, kana ndirini, ziso raŋgu hariŋgapembedzi, handiŋgaʋi netsitsi, asi ndicaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo. 11Ɀino tarira, murume wakaŋga akafuka muceka, wakaŋga anorunyaŋga rweiŋgi paciʋuno cake, wakadzoka neshoko, akati: Ndaita seɀamakandiraira.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda