Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 10

10
Makerubi nokubginya kwaJehova.
1Ɀino ndakatarira, ndikaʋona paɗeŋga rakaŋga riri pamsoro pemisoro yamakerubi cinhu cakaʋonekwa pamsoro pawo cakaita sebge resafire, cakaŋga cakafanana necigaro coʋushe. 2Akataura nomunhu wakaŋga akafuka muceka, akati: Pinda pakati pamakumbo anomonereka, imo munyasi mekerubi, uzadze maʋoko ako ose namazimbe anobva pakati pamakerubi, uakushe pamsoro peguta. Iye akapinda, ini ndiciɀiʋona. 3Ɀino makerubi akaŋga amire parutiʋi rworudyi rweimba, paŋguʋa yokupinda kwomurume uyu; gore rikazadza ruʋazhe rwomukati. 4Kubginya kwaJehova kukakwira kucibva pakerubi, kukamira pamsoro pecikumbaridzo ceimba, imba ikazadzwa negore, noruʋazhe rwakazara ʋo nokupenya kwokubginya kwaJehova. 5Mubvumo wamapapiro amakerubi wakanzwika kuȿikira kuruʋazhe rwokunze, senzwi raMŋari Wamasimba‐ose, kana acitaura. 6Ɀino wakati araira murume wakaŋga akafuka muceka, aciti: Tora mŋoto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubi, akapinda, akandomira parutiʋi rwerimŋe gumbo. 7Kerubi rikatambanudzira ruʋoko rwaro ruciɓuɗa napakati pamakerubi kumŋoto wakaŋga uri pakati pamakerubi, rikatora’po mŋoto ndokuuisa muruʋoko rwowakaŋga akafuka muceka, iye ndokuutora ndokuɓuɗa. 8Ɀino mukati mamakerubi makaʋonekwa cakafanana noruʋoko rwomunhu pasi pamapapiro awo. 9Ɀino ndakatarira, ndikaʋona makumbo manna eŋgoro pamatiʋi amakerubi, rimŋe gumbo kurutiʋi rwekerubi rimŋe, nerimŋe gumbo kurutiʋi rwerimŋe kerubi; pakuʋonekwa kwawo makumbo akaŋga akaita sebge reberiri. 10Pakuʋonekwa kwawo ose ari manna akaŋga akafanana, ɀakaita segumbo rimŋe reŋgoro mukati merimŋe gumbo reŋgoro. 11Pakufamba kwawo akafamba kumatiʋi awo manna; haana‐kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakaŋga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana‐kutsauka pakufamba kwawo. 12Muʋiri wawo wose, nemisana yawo, namaʋoko awo, namapapiro awo, namakumbo eŋgoro, ɀakaŋga ɀizere nameso kumatiʋi ose, pamakumbo awo ose ari manna. 13Kana ari makumbo, ndakanzwa acitumidzwa ɀinomonereka. 14Rimŋe nerimŋe rakaŋga rineɀiso ɀinna; ciso cokutaŋga cakaŋga ciri ciso cekerubi, ciso cecipiri cakaŋga ciri ciso comunhu, cecitatu ciso ceshumba, nececinna ciso cegondo. 15Ɀino makerubi ndokubururuka acikwira; ndico cipenyu candakaʋona parwizi Kebari. 16Ɀino kana makerubi ofamba, makumbo eŋgoro ofamba kurutiʋi rwawo; kana makerubi aciŋge osimudza mapapiro awo aciɗa kubururuka acibva panyika, namakumbo awo ʋo haana‐kubva kurutiʋi rwawo. 17Kana omira naiwo omira ʋo; kana obururuka acikwira naiwo obururuka ʋo acikwira nawo; nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mukati mawo. 18Ipapo kubginya kwaJehova kwakaɓuɗa pacikumbaridzo ceimba, ndokumira pamsoro pamakerubi. 19Makerubi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubururuka acibva panyika, ini ndiciaona aciɓuɗa, anamakumbo eŋgoro pamatiʋi awo; akamira pamukoʋa wesuʋo rokumabvazuʋa reimba yaJehova; kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri necokumsoro kwawo. 20Ndico cipenyu candakaʋona panyasi paMŋari waIsraeri parwizi rwaKebari; ndikaziʋa kuti makerubi. 21Rimŋe nerimŋe rakaŋga rineɀiso ɀinna, nerimŋe nerimŋe rakaŋga rinamapapiro manna; pasi pamapapiro awo pakaŋga paneɀakafanana namaʋoko omunhu. 22Kana ɀiri ɀiso ɀaʋo pakuʋonekwa kwaɀo, ɀakaŋga ɀiri ɀiso ɀiya ɀandakaʋona parwizi rwaKebari, pakuʋonekwa kwaɀo naiɀo ɀimene; rimŋe nerimŋe rairuramira mberi pakufamba kwaro.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 10: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda