Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 46

46
1Ɀanzi naShe Jehova: Suʋo roruʋazhe rwomukati rakatarira kumabvazuʋa rinofanira kugara rakapfigwa mazuʋa matanhatu anoɓatwa nawo; asi nezuʋa resaɓata rinofanira kuzarurwa, ʋuye nezuʋa rokugara kwomŋedzi rinofanira kuzarurwa. 2Mucinda unofanira kupinda napanzira yeɓiraʋira resuʋo rokunze, ndokumira pambiru yesuʋo; ɀino ʋaprista ʋanofanira kumugadzirira cipiriso cake cinopiswa neɀipiriso ɀake ɀokuyananisa, iye agonamata pacikumbaridzo cesuʋo; ipapo unofanira kuɓuɗa; asi suʋo harifaniri kupfigwa kuȿikira maɗekwana. 3Ʋanhu ʋenyika ʋanofanira kunamata pamukoʋa wesuʋo iro pamberi paJehova pamasaɓata napakugara kwomŋedzi. 4Cipiriso cinopiswa, cinoʋigirwa Jehova nomucinda nomusi wesaɓata cinofanira kuita makwaiana matanhatu asinemhoȿa negondobge risinemhoȿa; 5ʋuye cipiriso coʋupfu cinofanira kuita efa imŋe pagondobge, ʋuye cipiriso coʋupfu pamakwaiana seɀaanogona kupa, nehini#46:5 Hini imŋe rineŋge garoni nehafu. yamafuta paefa#46:5 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. imŋe neimŋe. 6Nezuʋa rokugara kwomŋedzi ɀinofanira kuita nzombe ɗuku isinemhoȿa, namakwaiana matanhatu, negondobge; ɀinofanira kuʋa ɀisinemhoȿa. 7Ɀino iye unofanira kugadzira cipiriso coʋupfu, efa imŋe panzombe, neefa imŋe pagondobge, napamakwaiana seɀaanogona, nehini yamafuta paefa imŋe neimŋe. 8Kana mucinda acipinda, unofanira kupinda nenzira yeɓiraʋira resuʋo, ʋuye unofanira kuɓuɗa nenzira iyo. 9Asi kana ʋanhu ʋenyika ʋaciʋuya pamberi paJehova pamitambo yakatarwa, unopinda nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro kuzonamata, unofanira kuɓuɗa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwezasi; unopinda napanzira yesuʋo rokurutiʋi rwezasi, unofanira kuɓuɗa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakaʋuya nayo, asi unofanira kufamba akatarira mberi. 10Kana ʋacipinda, mucinda unofanira kupinda ari pakati paʋo; kana ʋaciɓuɗa ʋanofanira kuɓuɗa pamŋe cete. 11Pamitambo napaŋguʋa dzemitambo cipiriso coʋupfu cinofanira kuita efa imŋe panzombe, neefa imŋe pagondobge, napamakwaiana seɀaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imŋe neimŋe. 12Kana mucinda acigadzira cipiriso cokuŋgopa nokuɀiɗira, kana cipiriso cinopiswa, kana ɀipiriso ɀokuyananisa, ciʋe cipiriso cokuŋgopa Jehova nokuɀiɗira, mumŋe unofanira kumuzarurira suʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa; unofanira kugadzira cipiriso cake cinopiswa neɀipiriso ɀake ɀokuyananisa, seɀaanoita nomusi wesaɓata; ipapo unofanira kuɓuɗa; kana aɓuɗa mumŋe unofanira kupfiga suʋo. 13Unofanira kugadzira ʋo zuʋa rimŋe nerimŋe gwaiana regore rimŋe risinemhoȿa, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova; unofanira kurigadzira maŋgwanani ose. 14Pamŋe cete naro unofanira kugadzira maŋgwanani ose cipiriso coʋupfu, cinoti mugoʋe wecitanhatu weefa, nomugoʋe wecitatu wehini yamafuta kunyoroʋesa nawo ʋupfu bgakatsetseka; ciʋe cipiriso coʋupfu kunaJehova ŋguʋa dzose nomutemo usiŋgaperi. 15Saiɀoɀo ʋanofanira kugadzira gwaiana, necipiriso coʋupfu, namafuta, maŋgwanani ose, ciʋe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose.
16Ɀanzi naShe Jehova: Kana mucinda akapa mumŋe waʋanakomana ʋake cipo, yaʋa nhaka yake, cicaʋa caʋanakomana ʋake; caʋa caʋo nokugara nhaka. 17Asi kana akapa mumŋe waʋaranda ʋake cipo cinobva panhaka yake, cicaʋa cake kuȿikira pagore rokusunuŋgurwa; ipapo cinofanira kudzokera kumucinda; asi kana iri nhaka yake icaʋa yaʋanakomana ʋake. 18Ʋuye mucinda haafaniri kutorera ʋanhu nhaka yaʋo, kuti aʋadziŋge panyika yaʋo; unofanira kupa ʋanakomana ʋake nhaka inobva paneɀake, kuti ʋanhu ʋaŋgu ʋarege kuparadzirwa mumŋe nomumŋe abve paneɀake.
19Ɀino wakapinda neni napamukoʋa, wakaŋga uri parutiʋi rwesuʋo, mumakamuri matȿene aʋaprista, akatarira kurutiʋi rwokumsoro; ɀino tarira, kwakaŋga kunenɀimbo necemberi kurutiʋi rwamaʋirazuʋa. 20Akati kwandiri: Iyi ndiyo nɀimbo panofanira kuɓika ʋaprista cipiriso cemhoȿa necipiriso ceɀiʋi, ʋuye paʋanofanira kuɓika cipiriso coʋupfu; kuti ʋarege kuɓuɗa naɀo kuruʋazhe rwokunze, kuzonatsa ʋanhu naɀo. 21Ɀino akaenda neni kuruʋazhe rwokunze, akandifambisa napamakona manna oruʋazhe; ɀino tarira, pakona rimŋe nerimŋe roruʋazhe pakaŋga panoruʋazhe. 22Pamakona manna oruʋazhe pakaŋga panamaʋazhe akakomberedzwa, akaita makubiti makumi manna pakureɓa, namakumi matatu pakufara; awa manna pamakona akaŋga akaenzana. 23Mukati mawo makaŋga munecidziro kumatiʋi ose, cakaŋga cakakomberedza iwo manna, ʋuye pakaŋga paneɀoto ɀokuɓikira munyasi mecidziro kumatiʋi ose. 24Ɀino akati kwandiri: Idzi ndidzo dzimba dzokuɓikira, panofanira kuɓikirwa ɀiɓayiro ɀaʋanhu naʋanoshumira paimba.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 46: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda