Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 45

45
Mirairo pamsoro pokugoʋera nyika, namaɓasa aʋaɓati, neɀipiriso.
1Ɀino kana muciganhura nyika nemijenya, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kuʋigira Jehova cipo, uʋe mugoʋe mutȿene panyika; kureɓa kwawo kunofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, noʋupamhi tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi, unofanira kuʋa mutȿene kuȿikira kumiganho yawo yose kumatiʋi ose. 2Ipapo panofanira kuʋa nɀimbo tȿene yakaita tsaŋga dzinamazana mashanu pakureɓa ʋuye tsaŋga dzinamazana mashanu paʋupamhi matiʋi ose manna akaenzana; ʋuye panofanira kuʋa noruwa rwakapoteredza kumatiʋi ose runoȿika makubiti makumi mashanu. 3Ɀino pamugoʋe wakaganhurwa unofanira kuyera nɀimbo inoȿika ɀiyero ɀineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀiyero ɀineɀuru ɀinegumi paʋupamhi; imomo ndi’mo munofanira kuʋa nenɀimbo tȿene, iyo nɀimbo tȿene‐tȿene. 4Uyu unofanira kuʋa mugoʋe mutȿene wenyika; unofanira kuʋa waʋaprista, iʋo ʋanoshumira panɀimbo tȿene, ʋanosweɗera kunaJehova kumushumira; inofanira kuʋa nɀimbo yedzimba dzaʋo, nenɀimbo tȿene yenɀimbo tȿene. 5Nɀimbo inoȿika ɀiyero ɀineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi, inofanira kuʋa yaʋaRevi, iʋo ʋanoshumira paimba, iʋe nhaka yaʋo, paʋaŋgaʋaka maguta okugara’mo. 6Nhaka yaʋo paguta munofanira kuiganhura, iite ɀiyero ɀineɀuru ɀishanu paʋupamhi, neɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, parutiʋi rwecipo comugoʋe mutȿene; iyo inofanira kuʋa yeimba yose yaIsraeri. 7Mugoʋe womucinda unofanira kuʋa kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi rwecipo citȿene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pecipo citȿene, napamberi penhaka iri muguta, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀicienda kumabvazuʋa; pakureɓa unofanira kuenzana nomugoʋe mumŋe, kubva kumuganho wokumaʋirazuʋa kuȿikira kumuganho wokumabvazuʋa. 8Nyika iyo inofanira kuʋa nhaka yake pakati paIsraeri; macinda aŋgu haaŋgazomanikidzi ʋanhu ʋaŋgu, asi acapa imba yaIsraeri nyika ʋacienzanisa namarudzi aʋo.
9Ɀanzi naShe Jehova: Ciriŋganiswai naɀo, imi macinda aIsraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati paʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 10Munofanira kuʋa neɀiyero ɀakarurama, neefa yakarurama, nebati rakarurama. 11Efa nebati ɀinofanira kuʋa neciyero cimŋe, kuti bati riite cegumi cimŋe cehomeri,#45:11 Homeri imŋe masaga matatu nehafu kana magaroni makumi mapfumbamŋe. ʋuye efa iite cegumi cimŋe cehomeri; ciyero caɀo cinofanira kuyerwa nehomeri. 12Shekeri#45:12 Shekeri mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. rinofanira kuita magera makumi maʋiri; mane yenyu inofanira kuʋa mashekeri anamakumi maʋiri, namashekeri anamakumi maʋiri namashanu, namashekeri anegumi namashanu. 13Ici ndico cipo camunofanira kuʋuya naco: Mugoʋe wecitanhatu weefa pahomeri imŋe yeɀiyo; ʋuye munofanira kupa mugoʋe wecitanhatu ceefa pahomeri yebari; 14ʋuye mugoʋe wakatarwa wamafuta, webati ramafuta, unofanira kuʋa mugoʋe wegumi webati wakatorwa pakori, ndiwo mabati anegumi, ndiyo homeri imŋe (nokuti mabati anegumi anoita homeri imŋe); 15ʋuye gwaiana rimŋe paɓoka ramakwai anamazana maʋiri, ari pamafuro akanatso‐ɗiridzwa aʋaIsraeri; ɀiʋe cipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuʋayananisira — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 16Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋanofanira kuʋigira mucinda waIsraeri cipo ici. 17Mucinda ndiye unofanira kuisa ɀipiriso ɀinopiswa, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀinonwiwa pamitambo napakugara kwomŋedzi, napamasaɓata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri; iye unofanira kugadzira cipiriso ceɀiʋi, necipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsraeri.
18Ɀanzi naShe Jehova: Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, munofanira kutora nzombe ɗuku isinemhoȿa, ndokunatsa nɀimbo tȿene. 19Ɀino muprista unofanira kutora ropa recipiriso ceɀiʋi, ndokuriisa pambiru dzemikoʋa yeimba, napamakona manna omusara weartari, napambiru dzesuʋo roruʋazhe rwomukati. 20Munofanira kuita ʋo saiɀoɀo nezuʋa recinomŋe romŋedzi, pamsoro pomumŋe nomumŋe unotadza, napamsoro peɓenzi; saiɀoɀo munofanira kuyananisira imba. 21Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, munofanira kuita paseka, uʋe mutambo wamazuʋa manomŋe; ciŋgwa cisinembiriso cinofanira kudyiwa. 22Nezuʋa iro mucinda unofanira kuɀigadzirira iye, naʋanhu ʋose ʋenyika, nzombe ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 23Namazuʋa manomŋe omutambo unofanira kugadzirira Jehova cipiriso cinopiswa, ɀinoti nzombe nomŋe namakondobge manomŋe ɀisinemhoȿa, zuʋa rimŋe nerimŋe pamazuʋa iwayo manomŋe; ʋuye nhoŋgo imŋe zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 24Ʋuye unofanira kugadzira cipiriso coʋupfu, efa imŋe panzombe imŋe neimŋe, neefa imŋe pagondobge rimŋe nerimŋe, nehini yamafuta paefa imŋe neimŋe. 25Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi, pamutambo, unofanira kuita saiɀoɀo namazuʋa iwayo manomŋe, seɀaakarairwa pamsoro pecipiriso ceɀiʋi, napamsoro pecipiriso cinopiswa, napamsoro pecipiriso coʋupfu, napamsoro pamafuta.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 45: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda