Ezekieri 42
42
Makamuri oruʋazhe.
1Ɀino wakandiɓuɗisira kuruʋazhe rwokunze, nenzira inoenda kurutiʋi rwokumsoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenɀimbo yaiʋa yoga, yakaŋga yakatarisana neimba kurutiʋi rwokumsoro. 2Pamberi porutiʋi rwakareɓa, rwakaȿika makubiti anezana, kwakaŋga kunomukoʋa worutiʋi rwokumsoro, ʋuye ʋupamhi bgakaita makubiti makumi mashanu. 3Pakatarisana namakubiti makumi maʋiri oruʋazhe rwomukati, ʋuye pakatarisana neguʋa rakaroŋgwa roruʋazhe rwokunze, kwakaŋga kunamaɓiraʋira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu. 4Pamberi pamakamuri pakaŋga panenɀimbo yokufamba icipinda mukati yakaita makubiti anegumi, iri nzira yakaita makubiti anezana; mikoʋa yaɀo yakaŋga yakatarira kurutiʋi rwokumsoro. 5Asi makamuri okumsoro akaŋga ari maɗuku kunamamŋe, nokuti maɓiraʋira akaŋga aciatapudzira, kupfuʋura apasi naapakati mukati meimba. 6Nokuti akaŋga akaturikidzwa, ari matatu, asinembiru dzakaita sembiru dzamaʋazhe; naiɀoɀo okumsoro akaŋga akamanikana kupfuʋura apasi naapakati ɀicibva pasi. 7Ruȿiŋgo rwakaŋga ruri kunze kurutiʋi rwamakamuri kuruʋazhe rwokunze pamberi pamakamuri, rwakaȿika makubiti makumi mashanu pakureɓa. 8Nokuti kureɓa kwamakamuri akaŋga ari muruʋazhe rwokunze kwakaȿika makubiti makumi mashanu, asi tarira, pamberi petembere akaita makubiti anezana. 9Pasi pamakamuri awa ndi’po pakaŋga panomukoʋa wokurutiʋi rwamabvazuʋa, kana munhu acipinda kwaari acibva kuruʋazhe rwokunze. 10Mukati moʋupamhi bgoruȿiŋgo rworuʋazhe kurutiʋi rwamabvazuʋa, pamberi penɀimbo yaiʋa yoga, napamberi peimba, pakaŋga panamakamuri. 11Nzira yakaŋga iri pamberi pawo yakaŋga yakafanana nenzira yamakamuri okurutiʋi rwokumsoro; seɀakaŋga ɀakaita kureɓa kwawo, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita ʋupamhi bgawo; pokuɓuɗa pawo pose pakaŋga pakafanana nokuroŋgerwa kwawo nemikoʋa yawo. 12Seɀakaŋga ɀakaita mikoʋa yamakamuri akaŋga ari kurutiʋi rwezasi, saiɀoɀo kwakaŋga kunomukoʋa pakuguma kwenzira, iyo nzira yakaŋga yakaruramira pamberi poruȿiŋgo kurutiʋi rwamabvazuʋa, kana munhu acipinda mukati mawo. 13Ɀino akati kwandiri: Makamuri okurutiʋi rwokumsoro namakamuri okurutiʋi rwezasi, ari pamberi penɀimbo iri yoga, ndiwo makamuri matȿene, panofanira kudyiwa ɀinhu ɀitȿene‐tȿene naʋaprista ʋari pedyo naJehova; ndi’po paʋacafanira kuisa ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀeɀiʋi, neɀipiriso ɀemhoȿa; nokuti inɀimbo tȿene. 14Kana ʋaprista ʋapinda, haʋafaniri kuzoɓuɗa panɀimbo tȿene ʋacienda kuruʋazhe rwokunze, asi ʋanofanira kuisa’po ŋguʋo dzaʋo dzaʋanoshumira nadzo, nokuti idzo itȿene; asi ʋanofanira kufuka dzimŋe ŋguʋo, ndokuzosweɗera kuneɀaʋanhu.
15Ɀino wakati apedza kuyera imba yomukati, akandiɓuɗisa nenzira yesuʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa, akapayera kumatiʋi ose. 16Akayera kurutiʋi rwamabvazuʋa norutsaŋga rwokuyera narwo, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu, norutsaŋga rwokuyera narwo kumatiʋi ose. 17Akayera kurutiʋi rwokumsoro norutsaŋga rwokuyera narwo kumatiʋi ose, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu. 18Akayera kurutiʋi rwezasi norutsaŋga rwokuyera narwo, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu. 19Akadzoka kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, akayera norutsaŋga rwokuyera narwo, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu. 20Akapayera kumatiʋi ose manna; pakaŋga panoruȿiŋgo rwakapoteredza, rwakaŋga rwakaita ɀiyero ɀinamazana mashanu pakureɓa, namazana mashanu paʋupamhi, kuti ruparadzanise pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 42: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018