Ezekieri 41
41
Nɀimbo tȿene dzeTembere.
1Ɀino wakandiisa kutembere, akayera mbiru, ɀikaita makubiti matanhatu paʋupamhi kurutiʋi rumŋe, namakubiti matanhatu paʋupamhi kunorumŋe rutiʋi, ndibgo ʋupamhi bgetabernakeri. 2Ʋupamhi bgomukoʋa bgakaita makubiti anegumi; matiʋi omukoʋa akaita makubiti mashanu kurutiʋi rumŋe, namakubiti mashanu kunorumŋe rutiʋi; akayera kureɓa kwaɀo, ɀikaita makubiti makumi manna, noʋupamhi makubiti makumi maʋiri. 3Ɀino akapinda mukati, akayera mbiru imŋe neimŋe yomukoʋa, ɀikaita makubiti maʋiri, nomukoʋa makubiti matanhatu, noʋupamhi bgomukoʋa makubiti manomŋe. 4Akayera kureɓa kwawo ɀikaita makubiti makumi maʋiri, noʋupamhi, makubiti makumi maʋiri pamberi petembere; akati kwandiri: Iyi ndiyo nɀimbo tȿene‐tȿene. 5Ipapo akayera madziro eimba, ɀikaita makubiti matanhatu, ʋuye ʋupamhi bgekamuri rimŋe nerimŋe rokumatiʋi, ɀikaita makubiti manna, ɀicipoteredza imba kumatiʋi ose. 6Makamuri okumatiʋi akaŋga akaturikidzwa akaita matatu, rimŋe riri pamsoro perimŋe, ɀikaitwa runamakumi matatu; akaŋga akaʋakirwa mukati mamadziro eimba aiʋa kurutiʋi rwamakamuri okumatiʋi, kuti atsigirwe nawo; haana‐kutsigirwa namadziro eimba. 7Makamuri okumatiʋi akawedzera ʋupamhi pakupoteredza kwawo imba, acikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kucikwirira kumatiʋi ose eimba; naiɀoɀo imba yakawedzera ʋupamhi pakukwirira kwayo; naiɀoɀo munhu waikwira acibva pakamuri rezasi kuȿikira kunerokumsoro, acipfuʋura napakamuri rapakati. 8Ndakaʋona ʋo kuti paimba pakaŋga panapamŋe pakakwirira kumatiʋi ose; nheyo dzamakamuri okumatiʋi dzakaȿika rutsaŋga rwose, makubiti matanhatu kuȿikira pakusoŋgana kwamadziro. 9Ʋukobvu bgecidziro camakamuri okumatiʋi necokunze, bgakaita makubiti mashanu; saiɀoɀo ʋo nɀimbo, yakasiyiwa, yaiʋa yamakamuri okumatiʋi eimba. 10Pakati pamakamuri paiʋa nenɀimbo yakaita makubiti anamakumi maʋiri yaipoteredza imba kumatiʋi ose. 11Mikoʋa yamakamuri okumatiʋi yakaŋga icitarira kurutiʋi rwenɀimbo yaiʋa yoga, mumŋe mukoʋa kurutiʋi rwokumsoro, mumŋe mukoʋa kurutiʋi rwezasi, ʋupamhi bgenɀimbo yaiʋa yoga bgakaita makubiti mashanu kumatiʋi ose. 12Imba yakaŋga iri pamberi penɀimbo, yaiʋa yoga kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, yakaita makubiti makumi manomŋe paʋupamhi bgayo; cidziro ceimba kumatiʋi ose cakaita makubiti mashanu paʋukobvu, namakubiti makumi mapfumbamŋe pakureɓa. 13Saiɀoɀo akayera imba, ikaita makubiti anezana pakureɓa; ʋuye nɀimbo yaiʋa yoga, neimba namadziro ayo, ɀikaita makubiti anezana pakureɓa; 14ʋuye ʋupamhi bgeimba necemberi kwayo, nokwenɀimbo yaiʋa yoga kurutiʋi rwamabvazuʋa, ɀikaita makubiti anezana.
15Ɀino wakayera kureɓa kweimba pamberi penɀimbo yaiʋa yoga, yakaŋga iri shure kwayo, namaɓiraʋira ayo kunorutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi, ɀikaita makubiti anezana; ʋuye tembere yomukati, namaɓiraʋira oruʋazhe; 16neɀikumbaridzo, namawindi akaŋga akapfigwa, namaɓiraʋira akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana necikumbaridzo, akaŋga akaroʋerwa matanda kumatiʋi ose, kubva pasi kuȿikira kumawindi, (asi mawindi akaŋga akafukidzwa), 17kuȿikira kumsoro kwomukoʋa, kuȿikira kuimba yomukati nokunze, nokucidziro cose kumatiʋi ose mukati nokunze, neɀiyero ɀaɀo. 18Ɀakaŋga ɀakaitwa ɀinamakerubi nemicindwe; kwakaŋga kunomucindwe pakati pekerubi rimŋe nerimŋe kerubi, ʋuye kerubi rimŋe nerimŋe rakaŋga rineɀiso ɀiʋiri; 19naiɀoɀo kwakaŋga kuneciso comunhu cakatarira kumucindwe kurutiʋi rumŋe, neciso ceshumba ɗuku cakatarira kumucindwe kunorumŋe rutiʋi; ndiɀo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa paimba yose kumatiʋi ose; 20kubva pasi kuȿikira kumsoro kwomukoʋa kwakaŋga kunamakerubi nemicindwe; saiɀoɀo ʋo pacidziro cetembere. 21Kana iri tembere, mbiru dzemikoʋa dzakaŋga dzinamatiʋi manna akaenzana; kana iri nɀimbo tȿene pamberi payo yakaŋga yakafanana netembere. 22Artari yakaŋga yakaʋezwa namatanda, yakaȿika makubiti matatu pakukwirira kwayo, nokureɓa kwayo makubiti maʋiri; makona ayo, nokureɓa kwayo, namadziro ayo, ɀakaŋga ɀakaʋezwa namatanda; akati kwandiri: Iri ndiro tafura riri pamberi paJehova. 23Tembere nenɀimbo tȿene ɀakaŋga ɀinemikoʋa miʋiri. 24Mukoʋa mumŋe nomumŋe wakaŋga unamasasa maʋiri, masasa maʋiri aitendereka; masasa maʋiri pamukoʋa mumŋe, ʋuye masasa maʋiri panomumŋe. 25Paari, ipo pamasasa etembere, pakaŋga pakaʋezwa makerubi nemicindwe, ɀakafanana neɀakaitwa pamadziro; pakaŋga panecikumbaridzo camatanda necapamberi peɓiraʋira necokunze. 26Kwakaŋga kunamawindi akapfigwa nemicindwe kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi, kumatiʋi eɓiraʋira; ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita makamuri okumatiʋi eimba neɀikumbaridzo.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 41: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018