Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 35

35
Edomi ricaparadzwa.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti: 2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kugomo reSeiri, uprofite pamsoro paro, 3uti kwariri: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kwauri, ndicakuita ɗoŋgo necishamiso. 4Ndicaparadza maguta ako, iwe ucaʋa ɗoŋgo; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova. 5Nokuti wakaʋeŋga ʋana ʋaIsraeri nokuʋeŋga kusiŋgaperi, ukaʋaisa pasimba romunondo neŋguʋa yenjodzi yaʋo, neŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira; 6naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicakugadzirira ropa, ropa ricakuteʋerera; ɀausina‐kuʋeŋga ropa, ropa ricakuteʋerera. 7Saiɀoɀo ndicaita gomo reSeiri cishamiso neɗoŋgo; ndicaparadza mariri ʋanofamba napo naʋanodzoka napo. 8Ndicazadza makomo aro naʋanhu ʋaro ʋakaʋurawa; muɀikomo ɀako nomumipata yako napahoʋa dzako dzose ndi’po pacawa ʋakaʋurawa nomunondo. 9Ndicakuita ɗoŋgo nokusiŋgaperi, maguta ako haaŋgagarwi; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 10Ɀawakati: Marudzi awa maʋiri nenyika idzi mbiri ɀicaʋa ɀaŋgu, icaʋa nhaka yeɗu, kunyaŋge Jehova wakaŋga ari’po; 11naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaita ɀakafanira kutsamŋa kwako, ʋuye ɀakafanira goɗo rako rawakaʋaitira nokuʋeŋga kwako; ɀino ini ndicaɀiziʋisa pakati paʋo, kana ndicikutoŋga iwe. 12Iwe ucaziʋa kuti ini Jehova ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamsoro pamakomo aIsraeri, uciti: Akaparadzwa, takaapiwa isu ɀiʋe ɀokudya ɀeɗu. 13Makaɀikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndaɀinzwa. 14Ɀanzi naShe Jehova: Kana nyika yose icifara, ndicakuita iwe ɗoŋgo. 15Seɀawakafara pamsoro penhaka yeimba yaIsraeri, nemhaka yokuti yakaitwa ɗoŋgo, saiɀoɀo ndicakuitira ʋo; ucaʋa ɗoŋgo, iwe gomo reSeiri, neEdomi rose, iɀo ɀose ɀaro; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 35: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda