Ezekieri 24
24
Mufananidzo wegate.
1Ɀino negore repfumbamŋe, nomŋedzi wegumi, nezuʋa regumi romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, nyora zita rezuʋa, rezuʋa iro rino. Mambo weBabironi wakasweɗera Jerusarema nezuʋa irero. 3Ureʋe mufananidzo kuimba inondimukira, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Gadza gate, rigadze, uɗire ʋo mvura mariri; 4ʋuŋganidzira ’mo nhindi dzaro, nhindi dzose dzakanaka, cidɀa neɓandaʋuko; rizadze namafupa akasanaŋgurwa. 5Tora rakasanaŋgurwa pakati pamakwai, neȿiŋga rehuni pasi pamafupa, riʋirise kwaɀo, mafupa aro aɓikwe mukati maro.
6Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Guta reropa rinenhamo, negate rineŋgura mukati maro, risina‐kubvisirwa ŋgura yaro! Ƃuɗisa’mo nhindi imŋe neimŋe; rigere kutoŋgerwa. 7Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusinecinhu, harina‐kuriɗururira pasi, kuti ririfukidze neguruʋa. 8Ndakaisa ropa raro paruware rusinecinhu, rirege kufukidzwa, kuti hasha dzaŋgu dzimutswe kuzotsiʋa. 9Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Guta rineropa rinenhamo! Ndicakurisa ʋo ȿiŋga rehuni. 10Tutirai huni, pfutidzai mŋoto, ɓikai nyama ɀakanaka, kodzai muto, mafupa atȿe. 11Ɀino urigadze pamazimbe awo risineciro, ripise, ndarira yaro itȿuke, matȿina aro anyauke mukati maro, kuti ŋgura yaro ipere. 12Rakandinetsa nokuɓata ɀikuru; kunyaŋge ɀakaɗaro ŋgura yaro haibvi mukati maro; ŋgura yaro ŋgaiiswe mumŋoto! 13Tȿina yako ineɀakashata; ɀandakakunatsa, ukasanatswa, hauŋgazonatswi patȿina yako, kuȿikira ndanyaradza hasha dzaŋgu pamsoro pako. 14Ini Jehova ndakaɀitaura, ɀicaitika, ini ndicaɀiita, handiŋgadzoki, handiŋgapembedzi, kana kuɀiɗemba; ʋacakutoŋga seɀakafanira nzira dzako, seɀakafanira ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Kufa kwomukadzi waEzekieri kunoitwa ciratidzo kuʋaIsraeri.
15Ɀino shoko raJehova rakaȿika ʋo kwandiri riciti: 16Mŋanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unoɗikanwa nameso ako, asi haufaniri kucema kana kuwuŋgudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera. 17Gomera, asi ŋgaɀirege kunzwika, usacema wakafa; suŋgira ɀishoŋgo mumusoro wako, upfeke shaŋgu dzako patsoka dzako; usafumbira muromo wako, kana kudya ɀokudya ɀaʋanhu. 18Ipapo ndakataura naʋanhu maŋgwanani, maɗekwana mukadzi waŋgu akafa, ndikaita maŋgwanani seɀandakarairwa. 19Ɀino ʋanhu ʋakati kwandiri: Ko hauŋgatiʋudzi ʋo kuti ɀinhu iɀi ɀinoti kuɗini kwatiri, ɀaunoita ɀakaɗaro here? 20Ɀino ndikati kwaʋari: Shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 21Taura neimba yaIsraeri, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicamhura nɀimbo yaŋgu tȿene, yamunoɀikudza nayo muciti isimba renyu, inoɗikanwa nameso enyu, inonzwirwa tsitsi nemŋeya yenyu; ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋamakasiya, ʋacaʋurawa nomunondo. 22Ipapo mucaita seɀandakaita ini, hamuŋgafumbiri miromo yenyu, kana kudya ɀokudya ɀaʋanhu. 23Ɀishoŋgo ɀenyu ɀicaʋa pamisoro yenyu, neshaŋgu dzenyu patsoka dzenyu; hamuŋgacemi kana kuwuŋgudza, asi mucapera muɀakaipa ɀenyu, mucigomerana. 24Saiɀoɀo Ezekieri ucaʋa ciratidzo kwamuri; ɀose ɀaakaita iye, nemi mucaɀiita ʋo; kana ɀiciȿika, mucaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.
25Ɀino kana uri’we, mŋanakomana womunhu, nomusi wandicaʋatorera simba raʋo, iwo mufaro wecakanaka caʋo, cinoɗikanwa nameso aʋo, ico cinoɗikanwa nemŋeya yaʋo, ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo, 26ko nomusi uyo unopukunyuka haaŋgaʋuyi kwauri kuti akuʋudze iɀoɀo munzeʋe dzako here? 27Nomusi uyo muromo wako ucashamisirwa wakapukunyuka, ucataura, hauŋgazoʋi mbeʋeʋe; saiɀoɀo ucaʋa ciratidzo kwaʋari; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 24: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018