Ezekieri 25
25
Cireʋo pamsoro paʋaAmoni navaMoabi.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kuʋana ʋaAmoni, uprofite pamsoro paʋo; 3uti kuʋana ʋaAmoni: Inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova: Imi ɀamakati Toko! pamsoro penɀimbo yaŋgu tȿene, paŋguʋa yokumhurwa kwayo, napamsoro penyika yaIsraeri paŋguʋa yokuitwa kwayo ɗoŋgo, napamsoro peimba yaJuda, paŋguʋa yokutapxa kwaʋo; 4naiɀoɀo tarirai, ndicakuisai kuʋana ʋamabvazuʋa muʋe ʋaʋo, ʋacaisa misasa yaʋo pakati penyu, ʋacaʋaka dzimba dzaʋo pakati penyu; ʋacadya micero yenyu, nokunwa mukaka wenyu. 5Raba ndicariita mafuro amakamera, nenyika yaʋana ʋaAmoni nɀimbo inoʋata makwai; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 6Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ɀamakaroʋanya maʋoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamsoro penyika yaIsraeri muciʋaɀidza nemŋeya yenyu yose; 7ɀino tarirai, ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro penyu, ndicakuisai kumarudzi muʋe secinhu cakapambga; ndicakubvisai pakati pamarudzi, ndicakupedzai panyika dzose; ndicakuparadzai, ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
8Ɀanzi naShe Jehova: Moabi naSeiri ɀaʋanoti: Tarirai, imba yaJuda yakafanana namarudzi ose; 9naiɀoɀo, tarirai, ndicazarura rutiʋi rwenyika yaMoabi kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ibgo ʋukomba bgenyika, anoti: Beti‐jeshimoti neBaari‐meoni neKiriataimi, 10ndicaɀipa ʋana ʋokumabvazuʋa, pamŋe cete naʋana ʋaAmoni, iʋe yaʋo, kuti ʋana ʋaAmoni ʋarege kuzoraŋgarirwa pakati pamarudzi; 11ndicatoŋga Moabi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Cireʋo pamsoro paʋaEdomi naʋaFiristia.
12Ɀanzi naShe Jehova: Edomi ɀaʋakatsiʋa imba yaJuda, ʋakapara mhaka kwaɀo, ʋakaɀitsiʋira kwaʋari; 13naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paEdomi, ndicaparadza’po ʋanhu neɀipfuwo, ndicaiita ɗoŋgo kubva paTemani, ʋacaʋurawa nomunondo kuȿikira paDedani. 14Ndicaɀitsiʋira kunaEdomi namaʋoko aʋanhu ʋaŋgu Israeri; ʋacaitira Edomi ɀakarebga nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ʋacaziʋa kutsiʋa kwaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
15Ɀanzi naShe Jehova: ƲaFiristia ɀaʋakaɀitsiʋira, ʋakatsiʋa ʋaciɀidza nemŋeya yaʋo, ʋaciɗa kuparadza nokuʋeŋga kusiŋgaperi, 16naiɀoɀo, ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋaFiristia, ndicabvisa ʋaKereti nokuparadza ʋakasara pamhenderekedzo dzeguŋgwa. 17Ndicaɀitsiʋira kwaʋari nokutsiʋa kukuru nokutuka kwehasha; ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋuyisa kutsiʋa kwaŋgu pamsoro paʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018