Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 19

19
Mariro pamsoro pamacinda aIsraeri.
1Ɀino iwe, imba mariro pamsoro pamacinda aIsraeri, 2Uti: Mai ʋako ʋaiʋa aniko? Ʋaiʋa shumbakadzi, yaiʋata pakati peshumba, icirera ʋana ʋayo pakati peshumba ɗuku. 3Ɀino yakarera mumŋe mŋana wayo, ikaʋa shumba ɗuku, ikadzidza kuɓata ɀaiŋgaʋuraya, ikapedza ʋanhu. 4Marudzi aʋanhu akainzwa ʋo ikaɓatwa muhuzha yaʋo, ʋakaiisa kunyika yeEgipita neɀikokoʋono. 5Ɀino yakati iciʋona kuti yanyeŋgerwa, kuti tariro yanyaŋgarika, ikatora ɀe mumŋe mŋana wayo, ikaiita shumba ɗuku. 6Iyo ikafambafamba pakati peshumba; ikaʋa shumba ɗuku, ikadzidza kuɓata ɀaiŋgaʋuraya, ikapedza ʋanhu. 7Ikaziʋa dzimba dzaʋo dzoʋushe, ikaparadza maguta aʋo; nyika neɀose ɀayo ikaʋa ɗoŋgo, nokuɗa kwokuʋomba kwayo. 8Ipapo marudzi aʋanhu ʋenyika dzakapoteredza akarwa nayo, ʋakakandira mumbure waʋo pamsoro payo, ikaɓatwa muhuzha yaʋo. 9Ʋakaiisa mucirugu cineɀikokoʋono, ʋakandoiisa kunamambo weBabironi; ʋakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwika pamakomo aIsraeri.
10Mai ʋako ʋakaŋga ʋakaita somuzambiriŋga, paŋguʋa yokuzorora kwako, wakaŋga wakasimŋa pamvura; wakaɓereka ɀakanaka, unamataʋi mazhinji, nokuɗa kwemvura zhinji. 11Ukaʋa namatanda makobvu okuita tȿimbo dzaʋaiɓata ʋushe, musoro wawo ukakwirira kumsoro pakati pamataʋi makobvu, ukaʋonekwa kumsoro‐soro pamŋe cete namashizha awo mazhinji. 12Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuʋa ikawomesa micero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuwoma, mŋoto ukaapedza. 13Ɀino wasimŋa murenje, munyika yakawoma inenyota. 14Mŋoto waɓuɗa paɗandaramataʋiawo, ukapedza micero yawo, hapacineɗanda rinesimba riŋgaita tȿimbo yokuɓata ʋushe. Awa ndiwo mariro, ʋuye acazoʋa mariro.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda