Ezekieri 17
17
Mufananidzo wamakondo maʋiri nomuzambiriŋga.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, taurira ʋeimba yaIsraeri cirabge, ureʋe mufananidzo kwaʋari; 3uti: Ɀanzi naShe Jehova: Gondo guru rinamapapiro makuru neminheŋga mirefu, rinamambaʋa mazhinji anamaʋara‐maʋara, rakaȿika Rebanoni, rikatora musoro womusidari; 4rikavuna ɗaʋi rokumsoro pamataʋi aro manyoro, rikaenda naro kunyika yaʋashambadziri, ndokuriisa muguta raʋateŋgesi. 5Rakatora ʋo dzimŋe mbeu dzenyika, ndokudzikaʋira pavu rakaʋorera, rikadziisa parutiʋi rwemvura zhinji, rikadzisima semiti yemikonacando. 6Ƌaʋi rikamera, rikaita muzambiriŋga unotanda wakafupika, kuti mataʋi awo atarire kwariri, nemidzi yawo iʋe pasi paro; saiɀoɀo rakaita muzambiriŋga, wakaɓuɗisa mataʋi nokutuŋgira ʋutaʋi ʋuɗuku. 7Ɀino kwakaŋga kunerimŋe gondo ɀe rinamapapiro makuru namambaʋa mazhinji; ɀino tarira muzambiriŋga uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutuŋgira ʋo mataʋi aro kwariri, ɀicibva pandima pawakaŋga wakasimŋa, kuti riuɗiridze. 8Wakaŋga wakasimŋa pavu rakanaka panemvura zhinji, kuti uɓuɗise mataʋi, nokuɓereka ɀiɓereko, uʋe muzambiriŋga wakanaka. 9Ɀino iwe uti: Ɀanzi naShe Jehova: Muti ucaramba ucifara here? Ko gondo hariŋgadzuri midzi yawo, nokugura ɀiɓereko ɀawo, kuti uwome here; kuti mashizha awo acaŋgoɓukira, awome here? Hakuŋgaɗikanwi ruʋoko runesimba, kana ʋanhu ʋazhinji, kuudzura nemidzi yawo. 10Ɀirokwaɀo, tarira, ɀawasimŋa ucaramba ucifara here? Hauŋgawomi cose kana ukarobga nemhepo inobva mabvazuʋa here? Ucawomera pandima pawakaŋga wamera.
11Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri riciti: 12Ɀino uti kuimba inondimukira simba: Hamuziʋi here kuti ɀinhu iɀi ɀinoreʋeiko? Ciʋaʋudza, uti: Tarira mambo weBabironi wakaȿika Jerusarema, akaɓata mambo waro, namacinda aro, akandoʋaisa Babironi kwaari. 13Akatora mumŋe worudzi rwamambo, akaita suŋgano naye; wakamupikisa ʋo, akabvisa ʋanesimba ʋenyika; 14kuti ʋushe ʋuɗerere, kuti ʋurege kukura, asi ʋurambe ʋuri’po ʋuciceŋgeta suŋgano yake. 15Asi wakazomumukira acituma nhume dzake Egipita, kuti apiwe mabiza naʋanhu ʋazhinji. Ko ucaramba aciŋgofara here? Unoita ɀinhu ɀakaɗai ucapukunyuka here? Uŋgaputsa suŋgano akapukunyuka here? 16Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀirokwaɀo, panɀimbo panogara mambo, wakamuita mambo, waakashoʋora kupika kwake, nokuputsa suŋgano yake, ipapo paari, pakati peBabironi, ndipo paacafira. 17Kunyaŋge naFarao nehondo yake inesimba neɓoka rake guru haaŋgamuɓatsiri pakurwa, kana ʋacitutira mirwi yokurwa nokuʋaka nhare, kuti ʋaparadze ʋanhu ʋazhinji. 18Nokuti wakashoʋora kupika nokuputsa kwake suŋgano; tarira, wakapika noruʋoko rwake, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaita iɀoɀi ɀose; haaŋgapukunyuki. 19Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Noʋupenyu bgaŋgu, kupika kwaŋgu kwaakashoʋora nesuŋgano yaŋgu yaakaputsa, ɀirokwaɀo ndicaʋuyisa mhoȿa yaɀo pamsoro pomusoro wake. 20Ndicakanda mumbure waŋgu pamsoro pake, ucaɓatwa nomusuŋgo waŋgu, ndicamuisa Babironi ndimutoŋge’ko pamsoro pokuɗarika kwake kwaakandiɗarikira nako. 21Ʋose ʋanotiza ʋamapoka ake ose ʋacaʋurawa nomunondo, naʋakasara ʋacaparadzirwa kunobva mhepo dzose; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndini ndakataura iɀoɀo.
22Ɀanzi naShe Jehova: Ndicatora ini rutavi paɗaʋi rokumsorosoro romusidari, ndirusime; pamataʋi aro manyoro okumsoro ndicavuna rumŋe rutȿa, ndirusime pamsoro pegomo refu rakakwirira; 23pagomo refu raIsraeri ndi’po pandicarusima; rucaɓuɗisa mataʋi, nokuɓereka ɀiɓereko, nokuʋa musidari wakanaka kwaɀo, pasi pawo pacagara shiri dzinamapapiro amarudzi ose; dzicagara mumumvuri wamataʋi awo. 24Ɀino miti yose yokusaŋgo icaziʋa kuti ini Jehova ndakaɗeredza muti murefu, ndikakwiridza muti wakaɀidzwa, nokuwomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakawoma. Ini Jehova ndakaɀitaura, ndikaɀiita.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018