Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 3:1-8

Eksodo 3:1-8 SUB1949

Ɀino Mosesi wakaŋga acifudza makwai aJetero, mukarabga wake, muprista weMidiani; akaisa makwai mberi murenje, akaȿika kugomo raMŋari rinonzi Horebi. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi. Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko. Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usasweɗera pano; bvisa shaŋgu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patȿene. Akati ʋo: Ndini Mŋari waɓaɓa ʋako, naMŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Mosesi akaʋanza ciso cake, nokuti wakatya kutarira Mŋari. Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi.

Verenga chikamu Eksodo 3