Ɀino Mosesi wakaŋga acifudza makwai aJetero, mukarabga wake, muprista weMidiani; akaisa makwai mberi murenje, akaȿika kugomo raMŋari rinonzi Horebi. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi. Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko. Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usasweɗera pano; bvisa shaŋgu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patȿene. Akati ʋo: Ndini Mŋari waɓaɓa ʋako, naMŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Mosesi akaʋanza ciso cake, nokuti wakatya kutarira Mŋari. Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi.
Verenga chikamu Eksodo 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Eksodo 3:1-8
5 Mazuva
Takadanwa kuti titungamirire sezvakaita Jesu. Hutungamiri hunotanga nemunhu, kwete chinzvimbo, uye chinangwa cheutungamiri ndechekufambisa vanhu vaMwari muzvinangwa zvake. Chimwe nechimwe chezviverengero zvezuva nezuva izvi chichakubatsira iwe kuisa hwaro hwakasimba mumamiriro ako ehutungamiriri, ichikuyeuchidza kuti iwe usati wave mutungamiri uri muranda, uye usati wave muranda uri mwana anodiwa waMwari.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo