Zvino Mosesi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwe wake, mupristi weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebi. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi. Mosesi akati, “Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.”
Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, “Mosesi, Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Akati, “Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene.” Akatiwo, “Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.” Mosesi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.
Zvino Mwari akati, “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaIjipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.