Eksodo 11
11
Ƌambudziko regumi: Rufu rwamataŋgwe.
1Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Ndicaʋuyisa ɗambudziko rimŋe ɀe pamsoro paFarao napamsoro peEgipita, ipapo ucakutenderai kubva pano; musi waacakutenderai kuenda, ɀirokwaɀo ucakudziŋgai cose pano. 2Ɀino ʋudza ʋanhu ʋanzwe, kuti murume mumŋe nomumŋe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumŋe nomumŋe akumbire kunowokwake, ʋapiwe ɀishoŋgo ɀesirveri neɀishoŋgo ɀendarama. 3Ɀino Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita. Naiye munhu uyu Mosesi, wakaŋga ari mukuru kwaɀo munyika yeEgipita, pamberi paʋaranda ʋaFarao, napamberi paʋanhu.
4Ɀino Mosesi akati: Ɀanzi naJehova: Kana paʋa pakati poʋusiku, ndicaɓuɗa ndikafamba napakati peEgipita; 5mataŋgwe ose munyika yeEgipita acafa, kutaŋga paɗaŋgwe raFarao unogara pacigaro coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romurandakadzi uri paguyo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. 6Pan ika yose yeEgipita pacaʋa nokucema kukuru, kwakaɗaro hakuna‐kumboʋa’po, ʋuye hakuŋgaʋi’po ɀe. 7Asi pakati paʋana ʋaIsraeri ʋose, pakati paʋanhu kana ɀipfuwo, hapaŋgaʋi nembga icasimudza rurimi rwayo; kuti muziʋe kuti Jehova wakatsaura pakati paʋaEgipita naʋaIsraeri. 8Naʋaranda ʋenyu ʋose aʋa ʋacaɓurukira kwandiri, ʋacandifugamira, ʋaciti: Ibvai henyu, naʋanhu ʋose ʋanokuteʋerai; shure kwaiɀoɀo ndicaɓuɗa. Akaɓuɗa pamberi paFarao, akatsamŋa kwaɀo.
9Jehova akati kunaMosesi: Farao haaŋgakutereriyi kuti ɀishamiso ɀaŋgu ɀiwanzwe panyika yeEgipita. 10Mosesi naAroni ʋakaita ɀishamiso ɀiya ɀose pamberi paFarao, asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kubva munyika yake.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018