Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaEfeso 5

5
1Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa; 2fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira. 3Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene; 4neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga. 5Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari. 6Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera. 7Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; 8nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. 9(Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), 10muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. 11Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; 12nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. 13Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza. 14Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera.
15Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera; 16muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa. 17Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe. 18Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya; 19mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu; 20muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu; 21muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu.
Ʋakristu mumba maʋo.
22Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀamunoita kunaShe. 23Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri. 24Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo. 25Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo; 26kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko, 27kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa. 28Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa; 29nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀaanoitira kereke; 30nokuti isu tiri mitezo yomuʋiri wake. 31Naiɀoɀo munhu ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake; iʋaʋo ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. 32Cakaʋanzika ici, cikuru; asi ndinotaura ɀaKristu neɀekereke. 33Asi imi ʋo, mumŋe nomumŋe ŋgaaɗe mukadzi wake seɀaanoɀiɗa iye; nomukadzi ŋgaatye murume wake.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaEfeso 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda