Deuteronomio 6
6
Ʋanorairwa kuceŋgeta mirairo yaJehova.
1Ɀino ndiwo murairo, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀandakarairwa naJehova Mŋari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muɀiite kunyika kwamunoenda kuti iʋe yenyu; 2kuti utye Jehova Mŋari wako, uceŋgete ɀose ɀaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanakomana womŋanakomana wako, mazuʋa ose oʋupenyu bgako, kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji. 3Naiɀoɀo cinzwa Israeri, ucenjere kuti uɀiite; kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, muwande kwaɀo, seɀamakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako, panyika inoyerera mukaka noʋuci.
4Cinzwa Israeri, Jehova Mŋari weɗu ndiJehova mumŋe cete. 5Uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose. 6Ɀino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuʋa mumŋoyo mako; 7unofanira kushiŋgaira kuadzidzisa ʋana ʋako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana ucifamba munzira, kana uciʋata pasi, kana ucimuka. 8Unofanira kuasuŋgira paruʋoko rwako, ciʋe ciratidzo; ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso ako. 9Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako.
10Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciŋge akupinza munyika, yaakapikira madziɓaɓa ako, Abrahama, naIsaka, naJakobo, kuti ucakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina‐kuʋaka iwe, 11nedzimba dzizere neɀinhu ɀose ɀakanaka, dzausina‐kuzadza iwe, namakaŋgwa akacerwa, ausina‐kucera iwe, neminda yemizambiriŋga nemiorivi, yausina‐kusima iwe; iwe ukadya ukaguta, 12ɀino cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda. 13Unofanira kutya Jehova Mŋari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake. 14Regai kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋamŋari ʋendudzi dzinokupoteredzai; 15nokuti Jehova Mŋari wako, uri pakati pako, ndiMŋari unegoɗo; kuti Jehova Mŋari wako arege kukutsamŋira, akuparadze panyika pose.
16Musaidza Jehova Mŋari wenyu, seɀamakamuidza paMasa. 17Munofanira kushiŋgaira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wenyu, neɀipupuriro ɀake, neɀaakatema, ɀaakakuraira. 18Ʋuye unofanira kuita ɀakarurama neɀakanaka pamberi paJehova, kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, upinde munyika yakanaka iʋe yako, iyo yakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, 19kuti iye ucadziŋga ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako, seɀakataurwa naJehova.
20Ɀino kana mŋanakomana wako akakubvunza pashure, aciti: Ko iɀi ɀipupuriro, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀamakarairwa naJehova Mŋari weɗu, ɀinoɗiniko? 21Unofanira kuti kumŋanakomana wako: Isu takaŋga tiri ʋaranda ʋaFarao, Jehova akatiɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba; 22Jehova akaita ɀiratidzo neɀinoshamisa kwaɀo, ɀakaipa, paEgipita, nokunaFarao, nokuimba yake yose, ticiɀiʋona; 23akatiɓuɗisa’po, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madziɓaɓa eɗu. 24Jehova akaraira kuti tiite iɀi ɀose ɀaakatema, titye Jehova Mŋari weɗu, kuti tiitirwe ɀakanaka ŋguʋa dzose, aticeŋgete tiʋe ʋapenyu, seɀatakaita nhasi. 25Ɀicaʋa ɀakarurama kwatiri, kana ticicenjerera kuti tiite murairo wose pamberi paJehova Mŋari weɗu, seɀatakarairwa naye.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018