Amosi 9
9
Israeri ʋacadzoswa ɀe kana kurobga kwaʋo kwapera.
1Ndakaʋona Ishe amire parutiʋi rweartari, akati: Roʋa misoro yembiru, kuti ɀikumbaridzo ɀiɗeɗere, uɀiputsanye pamisoro yaʋo yose; ndicaʋuraya wokupedzisira pakati paʋo nomunondo; hakuna‐nomumŋe waʋo ucatiza, hakuna‐nomumŋe waʋo ucapukunyuka. 2Kunyaŋge ʋakacera kuȿikira paSheori, ruʋoko rwaŋgu rucandoʋatora’po; kunyaŋge ʋakakwira kuȿikira kuɗeŋga, ndicaʋaɓurusa’po. 3Kunyaŋge ʋakandoʋanda pamsoro peKarmeri, ndicaʋatȿaka nokuʋabvisa’po; kunyaŋge ʋakaʋanda meso aŋgu pakudzika kweguŋgwa, ndicaraira nyoka kundoʋaruma’po. 4Kunyaŋge ʋakatapxa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ndicaraira munondo kundoʋaʋuraya’po; ndicarinzira meso aŋgu kwaʋari kuti ndiʋaitire ɀakaipa, ndirege kuʋaitira ɀakanaka. 5Nokuti Ishe Jehova wehondo ndiye unogunɀa nyika ikanyauka, ʋose ʋagere’mo ʋacacema; icakwira yose soRwizi, icaɗerera ɀe soRwizi rweEgipita; 6ndiye unoʋaka makamuri ake kuɗeŋga, wakateya ɗeŋga rake panyika; iye unoɗana mvura zhinji yeguŋgwa aciiɗururira panyika pose; Jehova ndiro zita rake. 7Nhai, imi ʋana ʋaIsraeri, ko hamuzi kwandiri saʋana ʋeEtiopia here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Handizi’ni ndakaɓuɗisa Israeri panyika yeEgipita here, naʋaFiristia paKaftori, naʋaSiria paKiri here? 8Tarirai, meso aShe Jehova anoʋona ʋushe ʋunotadza, ndicaʋuparadza ndiʋubvise panyika pose, asi handiŋgaparadzi cose imba yaJakobo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 9Nokuti tarirai, ndicaraira, ndicapepeta imba yaIsraeri pakati pamarudzi ose, seɀinopepetwa ɀiyo mumusero, kunyaŋge ɀakaɗaro tsaŋga imŋe ɗuku‐ɗuku haiŋgawiri pasi. 10Ʋatadzi ʋose ʋaʋanhu ʋaŋgu ʋacaʋurawa nomunondo, iʋo ʋanoti: Ɀakaipa haɀiŋgatiɓati, haɀiŋgaȿikiri kwatiri.
11Nezuʋa iro ndicamutsa tabernakeri yaDavidi yakawira pasi, nokudziʋira’po pakakoromorwa; ndicamutsa ɀe matoŋgo ayo, ndicaiʋaka ɀe seɀayakaŋga yakaita pamazuʋa akare; 12kuti ʋaɀitorere ɀakasara ɀaEdomi, namarudzi ose akatumidzwa nezita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita iɀoɀi. 13Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — murimi ucaɓata muceki, nomuȿini wemizambiriŋga ucaɓata unodɀara mbeu; makomo acaɗonha waini inozipa, ʋuye ɀikomo ɀose ɀicanyauka. 14Ndicadzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋacaʋaka maguta akaparadzwa, ʋacigara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, ʋacinwa waini yayo; ʋacarima ʋo mimŋe minda, ʋacidya ɀiɓereko ɀayo. 15Ndicaʋasima panyika yaʋo, haʋaŋgazodzurwi ɀe panyika yaʋo yandakaʋapa — ndiɀo ɀinotaura Jehova Mŋari wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018