Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — murimi ucaɓata muceki, nomuȿini wemizambiriŋga ucaɓata unodɀara mbeu; makomo acaɗonha waini inozipa, ʋuye ɀikomo ɀose ɀicanyauka. Ndicadzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋacaʋaka maguta akaparadzwa, ʋacigara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, ʋacinwa waini yayo; ʋacarima ʋo mimŋe minda, ʋacidya ɀiɓereko ɀayo.