Amosi 9:13-14
Amosi 9:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose. Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.
Amosi 9:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarirai, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha “Murimi achabata mucheki, nomusvini wemidzambiringa achabata anodyara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka. “Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemidzambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
Amosi 9:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTENZI, “Chionai, mazuva ari kuuya, okuti kurima kuchasvika kukohwa kusati kwapera uye okusima magirepisi wokuasvina asati apedza. Makomo achajuja waini inonaka nezvikomo zvose zvichayerera waini. Ndichadzosera vanhu vangu vaIsiraeri zvose zvavaiva nazvo. Maguta avo akanga aparadzwa, vachaavakazve vakatoagara. Vachasima zvavo minda yamagirepisi, vachitozonwa, waini yayo. Vachaitawo mapindu, vagodya muchero yawo.
Amosi 9:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — murimi ucaɓata muceki, nomuȿini wemizambiriŋga ucaɓata unodɀara mbeu; makomo acaɗonha waini inozipa, ʋuye ɀikomo ɀose ɀicanyauka. Ndicadzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋacaʋaka maguta akaparadzwa, ʋacigara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, ʋacinwa waini yayo; ʋacarima ʋo mimŋe minda, ʋacidya ɀiɓereko ɀayo.
Amosi 9:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)