Maɓasa Aʋaapostora 26
26
1Ɀino Agripa akati kunaPauro: Unotenderwa kuɀiɗaʋirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruʋoko rwake, akaɀiɗaʋirira, aciti:
2Mambo Agripa, ndinoɀikorokotedza, ɀandiŋgaɀiɗaʋirira nhasi pamberi penyu pamsoro peɀose ɀandinokwirirwa naɀo naʋaJuda; 3ɀikuru nokuti munoziʋa tsika dzose namashoko ose pakati paʋaJuda; naiɀoɀo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomŋoyo murefu. 4ƲaJuda ʋose ʋanoziʋa mufambire waŋgu, kubva paʋuɗuku bgaŋgu, waiʋa pakati porudzi rwaŋgu napaJerusarema kubva pakutaŋga; 5ʋakandiziʋa kare, kana ʋaciɗa kupupura, kuti ndaiʋa muFarise, nedzidziso yokupira kweɗu yakaiȿo‐rurama. 6Naɀino ndinomira pano, kuti nditoŋgwe nokuɗa kwokutarira cipikirwa cakapikirwa madziɓaɓa eɗu naMŋari. 7Marudzi eɗu anegumi namaʋiri anoshumira Mŋari ʋusiku namasikati, aciti acaȿika pacipikirwa ico. Pamsoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa naʋaJuda. 8Munofuŋgireiko imi kuti haɀiŋgatendwi kuti Mŋari uŋgamutsa ʋakafa? 9Ɀino neni nnaiti ndinofanira kuita ɀinhu ɀizhinji ɀinopesana nezita raJesu weNazareta. 10Ndakaɀiita ʋo paJerusarema, ndikapfigira ʋatȿene ʋazhinji mutoroŋgo, ndapiwa simba naʋaprista ʋakuru; ʋuye kana ʋaiʋurawa, neni ndaibvumira ʋo. 11Nomumasinagoge ose ndaiʋatambudza, ndiciʋaroʋerera kuti ʋamhure Mŋari; ndikanyanya kuʋapeŋgera, ndikaʋatambudza kuȿikira kumaguta ari kure nenyika ino. 12Ndakati ndicaita iɀoɀi, ndikaenda Damasko nesimba ʋuye nomurairo waʋaprista ʋakuru, 13ɀino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaʋona ciedza caibva kuɗeŋga, caikunda kupenya kwezuʋa, cicindipenyera kumatiʋi ose naʋandaifamba naʋo. 14Ɀino takati tawira pasi tose, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri norurimi rweciHeberu: Sauro! Sauro! unonditambudzireiko? Ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. 15Ndikati: Ndimi aniko, Ishe? Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza. 16Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndaɀiratidza kwauri neɀiɀi, kuti ndikuite munyai necapupu ceɀawakaʋona, neɀandicaɀiratidza naɀo kwauri; 17ndicakurwira kuʋanhu nokuʋahedeni, ʋandinokutumira kwaʋari; 18kuti uȿinudze meso aʋo, ʋabve murima, ʋaende kuciedza, nokubva pasimba raSatani, ʋaende kunaMŋari, kuti ʋagamucire kaŋganwiro yeɀiʋi ɀaʋo, nenhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene, nokutenda kwandiri. 19Naiɀoɀo, mambo Agripa handina‐kuramba kuterera ciratidzo cokuɗeŋga; 20asi ndakataŋga kuparidza kunaʋeDamasko, nokunaʋeJerusarema, nenyika yose yeJudea, nokuʋahedeni, kuti ʋatendeʋuke, ʋariŋgire kunaMŋari, ʋaite maɓasa akafanira kutendeʋuka. 21Pamsoro paiɀoɀi ʋaJuda ʋakandiɓata mutembere, ʋakaidza kundiʋuraya. 22Asi ndakaɓatsirwa naMŋari, ndikamira kuȿikira zuʋa ranhasi, ndicipupurira ʋaɗuku naʋakuru, ndisiŋgareʋi ɀimŋe ɀinhu asi ɀakataurwa naʋaprofita naMosesi, kuti ɀicaitika; 23ɀokuti Kristu wakafanira kutambudzika, nokutaŋga kumuka kuʋakafa, aparidzire ʋanhu naʋahedeni ciedza.
24Ɀino wakati aciɀiɗaʋirira saiɀoɀo, Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopeŋga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza. 25Asi Pauro akati: Handipeŋgi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amaɀokwaɗi noʋucenjeri. 26Nokuti mambo wandinotaura naye ndisiŋgatyi, ʋanoziʋa iɀoɀi, nokuti ndinoziʋa kuti hapanecinhu caiɀoɀo cakaʋanzika kwaari, nokuti cinhu ici hacina‐kuitwa pakaʋanda. 27Mambo Agripa, munotenda ʋaprofita here? Ndinoziʋa kuti munotenda. 28Agripa akati kunaPauro: Uneŋge unoɗa kundiita mukristu neŋguʋa ɗuku. 29Pauro akati: Ndinonyeŋgetera kunaMŋari kana neŋguʋa ɗuku, kana nehuru, kuti musaʋa imi moga, asi ʋose ʋanondinzwa nhasi, ʋaitwe seni, asi ʋasine ɀisuŋgo iɀi.
30Ipapo mambo akasimuka, nomuɓati, naBerinike, naʋakaŋga ʋagere naʋo; 31ʋakaɓuɗa ʋakataurirana, ʋakati: Munhu uyu haaiti cinhu cakafanira rufu kana kusuŋgwa. 32Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu ɗai asina‐kuɀiisa kunaKesari uŋgaɗai asunuŋgurwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 26: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018