Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 24

24
Pauro unoɀiɗaʋirira pamberi paFeriksi.
1Ɀino mazuʋa mashanu akati apfuʋura, Ananiasi, muprista mukuru, akaɓuruka naʋamŋe ʋakuru, nomumŋe mureʋeri, wainzi Terturo; ʋakamhaŋarira Pauro kumuɓati. 2Iye akati aɗanwa, Terturo akataŋga kumupomera mhoȿa aciti:
Ɀatinoʋona rugare rukuru nemi, norudzi urwu ɀarunoruramisirwa mhoȿa nokuɓata kwenyu kwakanaka; 3tinoɀigamucira nemitoʋo yose napanɀimbo dzose nokuʋoŋga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira ɀikuru. 4Asi, ɀandisiŋgaɗ’i kukunonosai, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti mutinzwei neŋgoni dzenyu ɀishomanene. 5Nokuti takaʋona kuti murume uyu wakashata kwaɀo, unomutsa ɓope paʋaJuda ʋose panyika dzose, ari mutuŋgamiriri weɓoka raʋaNazareni. 6Iye wakaidza ʋo kushatisa tembere, tikamuɓata, [ticiɗa kumutoŋga nomurairo weɗu. 7Asi Risia, mukuru wecuru camazana, ndokuʋuya, akamubvisa mumaʋoko eɗu nesimba guru, 8akaraira ʋanomupomera kuti ʋaʋuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, mucagona kuziʋa iɀoɀo ɀose ɀatakamukwirira naɀo. 9NaʋaJuda ʋakabvumira ʋo pakumhaŋara, ʋakasimbisa kuti ɀinhu iɀoɀo ndiɀo.
10Ɀino muɓati wakati amuninira, kuti ataure, Pauro akapindura, akati:
Ɀandinoziʋa kuti maʋa mutoŋgi waʋanhu aʋa makore mazhinji, ndinoɀiɗaʋirira nomufaro, 11nokuti munzwe kuti mazuʋa acigere kupfuʋura gumi namaʋiri, kubvira paŋguʋa yandakakwira Jerusarema kundonamata. 12Haʋana‐kundiwana ndiciita nharo mutembere nomunhu, kana kumutsa ɓope mumasinagoge kana muguta; 13haʋaŋgagoni ʋo kusimbisa kwamuri iɀo ɀaʋanondipomera naɀo ɀino. 14Asi ndinotenda haŋgu kwamuri, kuti ndinoshumira Mŋari wamadziɓaɓa eɗu neNzira, yaʋanoti idzidziso yakatsauka, ndicitenda ɀose ɀomurairo neɀakanyorwa paʋaprofita; 15ndinetariro kunaMŋari, iyo yaʋanotenda ʋo ʋamene, kuti kucaʋa’po kumuka kwaʋakafa kwaʋakarurama naʋasakarurama. 16Pacinhu ici ndinoidza ɀikuru kuti misi yose ndiʋe nehana isinemhoȿa kunaMŋari nokuʋanhu. 17Ɀino makore mazhinji akati apfuʋura, ndakaʋuya neɀipo neɀiɓayiro kuʋanhu ʋaŋgu. 18Ndiɀoɀo ɀaʋakandiwana ndiciita mutembere, ndanatswa, ndisinaʋanhu ʋazhinji, kana ɓopoto; 19asi ʋamŋe ʋaJuda ʋeAsia ʋaiʋa’po, — iʋo ʋaifanira kuʋa pano pamberi penyu, kundipomera mhoȿa, kana ʋaiʋa necinhu neni. 20Kunyaŋge naʋaʋa ŋgaʋareʋe ʋamene cisakarurama caʋakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota, 21asi shoko iri ɓedzi, randakaɗanidzira, ndimire pakati paʋo, ndiciti: Ndinotoŋgwa nhasi pamsoro pokumuka kwaʋakafa.
22Asi Feriksi, ɀaakaziʋisisa ɀakanaka Nzira iyo, akaʋaʋetsa, aciti: Kana Risia, mukuru wecuru camazana aɓurukira pano, ndicanatso‐bvunzisisa mhaka yenyu. 23Akaraira mukuru wezana kuti Pauro aceŋgetwe, arerusirwe, ʋuye kuti ʋarege kudziʋisa mumŋe wokwake kumushumira.
24Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, Feriksi akaȿika, nomukadzi wake Drusira, waiʋa muJuda, akaɗana Pauro, akamunzwa pamsoro pokutenda kunaKristu Jesu. 25Ɀino wakati acitaura ɀokururama, nokuɀidzora, nokutoŋga kunoʋuya, Feriksi akatya ɀikuru, akapindura, akati: Enda hako ɀino; kana ndikazoʋa neŋguʋa yakanaka, ndicakuɗana. 26Wakati ʋo ɀimŋe ucazopiwa mari naPauro; naiɀoɀo wakamuɗana kazhinji, acitaura naye. 27Asi makore maʋiri akati apera, Porkio Festo akapinda panɀimbo yaFeriksi, ɀino Feriksi aciɗa kufadza ʋaJuda, akasiya Pauro akasuŋgwa.

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda