Maɓasa Aʋaapostora 22
22
Pauro unoɀiɗaʋirira pamberi paʋanhu.
1Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai kuɀiɗaʋirira kwaŋgu pamberi penyu ɀino.
2Iʋo ʋakati ʋacinzwa, kuti wotaura naʋo norurimi rweciHeberu, ʋakanyanya kunyarara. Iye akati:
3Ini ndiri muJuda, ndakaɓerekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadziɓaɓa eɗu, ndicishiŋgairira Mŋari, semi mose nhasi; 4ndikatambudza ʋeNzira iyi kuȿikira pakuʋuraya, ndicisuŋga ʋarume naʋakadzi nokuʋaisa mutoroŋgo, 5muprista mukuru seɀaaŋgandipupurira ʋo namakurukota ose; ndikapiwa ŋwadi naʋo kuhama, ndikaenda Damasko kuti ndiise Jerusarema aʋo ʋaigara’ko, ʋakasuŋgwa, kuti ʋarobge. 6Ɀino ndakati ndicifamba, ndosweɗera Damasko, aneŋge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose neciedza cikuru, caibva kuɗeŋga. 7Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? 8Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza. 9Ɀino ʋaiʋa neni ʋakaʋona ciedza, asi haʋanakunzwa inzwi rowakataura neni. 10Ndikati: Ndoɗiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Damasko; apo ucaʋudzwa ɀose ɀakatarwa kuti uɀiite. 11Ɀino ɀandakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona nokupenya kweciedza ico, ndikasesedzwa noruʋoko naʋaiʋa neni, ndikaȿika Damasko. 12Ɀino mumŋe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mŋari seɀinoreʋa murairo, waipupurirwa ɀakanaka naʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋagere’po, 13akaʋuya kwandiri, akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, ciʋona! Neŋguʋa iyo ndikamuʋona. 14Iye akati: Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakakusanaŋgura, kuti uziʋe kuɗa kwake, nokumuʋona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make. 15Nokuti iwe ucaʋa capupu cake kuʋanhu ʋose ceɀawakaʋona neɀawakanzwa. 16Ɀino ucanonokereiko? Simuka, ubapatidzwe, usukwe ɀiʋi ɀako, uɗane zita rake. 17Ɀino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndicinyeŋgetera mutembere, ndikaita sokuɓatwa mŋeya, 18ndikamuʋona, aciti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema ɀino‐ɀino, nokuti haʋaŋgagamuciri kupupura kwako pamsoro paŋgu. 19Ipapo ndikati: Ishe, ʋanoziʋa ʋamene kuti ini ndaiisa mutoroŋgo, nokuroʋa mumasinagoge, aʋo ʋaitenda kwamuri; 20ʋuye, musi wakaɗururwa ropa raStefano, capupu cenyu, neni ʋo ndakaŋga ndimire’po, ndicibvumira, ndikaceŋgeta ŋguʋo dzaʋaimuʋuraya. 21Ipapo akati kwandiri: Enda, ndicakutuma kure kuʋahedeni.
22Ʋakamuterera kuȿikira pashoko iro; ipapo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: wakaɗai ŋgaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama. 23Ʋakaɗanidzira, ʋakakandira ŋguʋo dzaʋo pasi, ʋacikushira ivu kuɗeŋga, 24mukuru wecuru camazana akaraira, kuti aiswe kuimba yaʋarwi, aciti abvunzwe nokurobga ɀikuru, kuti aziʋe mhoȿa yaʋakaŋga ʋamupopoterera kuɗai. 25Ɀino ʋakati ʋamusuŋga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakaŋga amire’po: Makatenderwa kuroʋa munhu uri muRoma, asina‐kutoŋgwa here? 26Ɀino mukuru wezana wakati aciɀinzwa, akaenda kumukuru wecuru camazana, akamuʋudza akati: Munoɗa kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma. 27Mukuru wecuru camazana akaʋuya akati kwaari: Ndiʋudze, uri muRoma here? Akati: Hoŋo. 28Mukuru wecuru camazana akati: Ini ndakateŋga simba iri rokuʋa muRoma nomuteŋgo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaɓerekwa ndiri muRoma. 29Ɀino ʋakaŋga ʋomubvunzisisa, ʋakabva kwaari pakarepo, nomukuru wecuru camazana wakatya ʋo aciziʋa kuti iye muRoma, ʋuye nokuti wakaŋga amusuŋga.
Pauro pamberi pamakurukota.
30Ɀino fume maŋgwana, aciɗa kuziʋa kwaɀo kuti ʋaJuda ʋakamupomera mhoȿa yei, akamusunuŋgura, akaraira kuti ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋaʋuŋgane, akaɓurusa Pauro, ndokumuisa pamberi paʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018