Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 12:12-19

Maɓasa Aʋaapostora 12:12-19 SUB1949

Ɀino wakati araŋgarira iɀoɀo, akaenda kumba kwaMaria, mai ʋaJohane, wainzi Marko; ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana’po, ʋacinyeŋgetera. Ɀino wakati agogodza pagonhi resuʋo, musikana wainzi Rode akaʋuya kuzoterera. Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo. Iʋo ʋakati kwaari: Unopeŋga. Asi iye wakasimbisa aciti ndiɀoɀo. Iʋo ʋakati: Mutumŋa wake. Asi Petro wakaramba acigogodza; ʋakazozarura, ʋakamuʋona, ʋakashamiswa. Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe. Ɀino kwakati kwaedza, ɓope guru rikaʋa’po pakati paʋarwi, ʋaciti Petro wanzinwi. Herode wakati amutȿaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa ʋarindi, akaraira kuti ʋandoʋurawa. Ɀino akaɓuruka Judea, akaenda Kesaria, akandogara’ko.