Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 5:11-25

II Samueri 5:11-25 SUB1949

Hirami mambo weTire akatuma nhume kunaDavidi namatanda emisidari, naʋaʋezi, naʋaʋaki, ʋakaʋakira Davidi imba. Ɀino Davidi akaziʋa kuti Jehova wakaŋga amusimbisa kuti aʋe mambo waIsraeri, ʋuye kuti wakaŋga akudza ʋushe bgake nokuɗa kwaʋanhu ʋake Israeri. Davidi wakati abva Hebroni, akaɀitorera ʋamŋe ʋaroŋgo naʋakadzi paJerusarema, Davidi akaɓerekerwa ʋanakomana naʋanasikana. Ndiwo mazita aʋaakaɓerekerwa Jerusarema: Shamua, naShobai, naNatani, naSoromoni, naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia, naErishama, naEriada, naErifereti. Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋacinzwa kuti Davidi wakaŋga azodzwa kuti aʋe mambo waʋaIsraeri, ʋaFiristia ʋose ʋakakwira kundotȿaka Davidi; Davidi akaɀinzwa, akaɓurukira kunhare. ƲaFiristia ʋakaŋga ʋaȿika, ʋakapararira pamupata weRefaimi. Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndokwira kundorwa naʋaFiristia here? Mucaʋaisa mumaʋoko aŋgu here? Jehova akati kunaDavidi: Kwira, nokuti ɀirokwaɀo ndicaisa ʋaFiristia mumaʋoko ako. Davidi akaȿika paBaari‐perazimi, Davidi akaʋaparadza’po. Akati: Jehova wakapxanya ʋaʋeŋgi ʋaŋgu pamberi paŋgu, sokupxanya kwemvura. Naiɀoɀo akatumidza nɀimbo iyo Baari‐perazimi. Ʋakasiya ɀifananidzo ɀaʋo ipapo, Davidi naʋanhu ʋake ʋakaɀitora. ƲaFiristia ʋakaʋuya ɀe, ʋakapararira pamupata weRefaimi. Ɀino Davidi wakati acibvunza Jehova, iye akati: Usakwira, asi upote shure kwaʋo, ugoʋaʋamba pakatarisana nemiti yemibarsami. Ɀino kana ucinzwa kutinhira kwokufamba paŋgara dzemiti yemibarsami, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehova wakutuŋgamirira kundoparadza hondo yaʋaFiristia. Davidi akaita seɀaakarairwa naJehova; akaparadza ʋaFiristia kubva paGeba kuȿikira paGezeri.