II Samueri 18
18
Absaromi unokundwa nokuʋurawa.
1Ɀino Davidi akaʋereŋga ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, akagadza ʋakuru ʋeɀuru naʋakuru ʋamazana pamsoro paʋo. 2Davidi akatuma ʋanhu, cetatu caʋo ʋacirairwa naJoabi, necetatu caʋo ʋacirairwa naAbishai mŋanakomana waZeruya, munuŋuna waJoabi, necetatu caʋo ɀe ʋacirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuʋanhu: Ɀirokwaɀo, neni ʋo ndimene ndicaenda nemi. 3Asi ʋanhu ʋakati: Hamuŋgaendi, nokuti kana tikatiza isu, haʋaŋgaʋi nehanya nesu; kunyaŋge hafu yaʋanhu ʋeɗu ʋakaʋurawa, haʋaŋgaʋi nehanya nesu; asi imi makafanana naʋanhu ʋeɗu ʋaneɀuru ɀinegumi; naiɀoɀo ɀirinani kuti mugare makaɀigadzira kuzotiɓatsira muri muguta. 4Mambo akati kwaʋari: Ndicaita seɀamunofuŋga. Mambo akandomira kurutiʋi rwesuʋo, ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa ʋaciita mazana‐mazana neɀuru‐ɀuru. 5Ɀino mambo akaraira Joabi naAbishai naItai, akati: Nzwirai henyu jaya nyasha, iye Absaromi, nokuɗa kwaŋgu. Ʋanhu ʋose ʋakanzwa mambo aciraira ʋakuru ʋose pamsoro paAbsaromi. 6Ɀino ʋanhu ʋakaɓuɗira kusaŋgo kundorwa naIsraeri, ʋakarwa muɗondo raEfraimi. 7Ʋanhu ʋaIsraeri ʋakakundwa’po pamberi paʋaranda ʋaDavidi, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋazhinji‐zhinji zuʋa iro ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana maʋiri. 8Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, ɗondo rikaparadza ʋanhu ʋazhinji kukunda ʋakaparadzwa nomunondo. 9Ɀino Absaromi akasoŋgana naʋaranda ʋaDavidi. Absaromi wakaŋga akataȿa hesera rake, hesera rikapinda napasi pamataʋi makobvu omuouki mukuru, musoro wake ukaɓatwa pamuouki, iye ndokurembera pakati peɗeŋga napasi; hesera raakaŋga akataȿa rikaramba ricifamba. 10Ɀino mumŋe murume akaɀiʋona, akandoʋudza Joabi, akati: Tarira, ndaʋona Absaromi akarembera mumuouki. 11Joabi akati kumunhu wakamuʋudza: Wakaɀiʋona, ukaregereiko kumuɓaya ipapo? Ndiŋgaɗai ndakakupa masirveri anegumi#18:11 Mari ineŋge pondo namashereni mashanu. nebanhire. 12Murume akati kunaJoabi: Kunyaŋge ndikapiwa masirveri anecuru#18:12 Mari ineŋge pondo dzinezana namakum maʋiri. muruʋoko rwaŋgu, handiŋgatambanudziri ruʋoko rwaŋgu kumŋanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbishai naItai, isu ticiɀinzwa, akati: Cenjerai kuti kusaʋa nomunhu unogunɀa jaya, iye Absaromi. 13Ƌai ndakaŋga ndamuʋuraya pakaʋanda (hakuneshoko rinoʋanzirwa mambo), imi muŋgaɗai mandiregera. 14Ipapo Joabi akati: Handigoni kunonoka kuɗai newe pano. Ɀino akatora mapfumo matatu muruʋoko rwake, akaɓaya Absaromi nawo pamŋoyo, aciri mupenyu mukati momuouki. 15Ipapo majaya anegumi, aiɓata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabi, akakomba Absaromi, akamuɓaya, akamuʋuraya. 16Ɀino Joabi akaridza hwamanda, ʋanhu ʋakadzoka pakuteʋerera ʋaIsraeri, nokuti Joabi wakadziʋisa ʋanhu. 17Ʋakatora Absaromi, ʋakamukanda mugomba muɗondo, ʋakatutira pamsoro pake murwi mukuru wamabge; ʋaIsraeri ʋose ʋakatizira mumŋe nomumŋe kutente rake. 18Ɀino Absaromi aciri mupenyu wakaŋga atora shoŋgwe akaɀimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati: Handinomŋanakomana uŋgayeudza ʋanhu zita raŋgu; akatumidza shoŋgwe iyo zita rake, rikanzi shoŋgwe yokuyeudzira Absaromi kuȿikira nhasi.
Davidi unocema Absaromi.
19Ɀino Ahimaazi mŋanakomana waZadoki, akati: Regai ndimhanye ɀino ndindoʋudza mambo shoko iri, kuti Jehova wakamutsiʋa kuʋaʋeŋgi ʋake. 20Joabi akati kwaari: Iwe hauŋgaendi neshoko nhasi, asi uŋgaenda neshoko rimŋe zuʋa; asi nhasi hauŋgaendi neshoko, nokuti mŋanakomana wamambo wafa. 21Ɀino Joabi akati kumuKushi: Enda iwe undoʋudza mambo ɀawaʋona. MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabi, akamhanya. 22Ahimaazi mŋanakomana waZadoki akati ɀe kunaJoabi: Kunyaŋge ɀakaɗaro haɀo, nditendere ndimhanye neni ʋo, nditeʋere muKushi. Joabi akati: Unoɗa kumhanyireiko, mŋana waŋgu, nokuti hauŋgapiwi muɓairo pamsoro peshoko? 23Iye akati: Kunyaŋge ɀakaɗaro haɀo, ndicamhanya haŋgu. Akati kwaari: Mhanya hako. Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomuɓani, akapfuʋura muKushi.
24Ɀino Davidi wakaŋga agere pakati pamasuʋo maʋiri, nharirire ikakwira paɗeŋga resuʋo paruȿiŋgo rweguta, akatarira, akaʋona murume acimhanya ari oga. 25Nharirire ikaɗanidzira, ikaʋudza mambo. Mambo akati: Kana ari oga, uneshoko mumuromo make. Akaramba acifamba, akasweɗera. 26Nharirire ikaʋona mumŋe munhu ɀe acimhanya; nharirire ikaɗanidzira kumutariri wesuʋo, ikati: Tarira, kunomumŋe munhu ɀe unomhanya ari oga. Mambo akati: Naiye unoʋuya neshoko. 27Nharirire ikati: Ndinofuŋga kuti kumhanya kwowokutaŋga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mŋanakomana waZadoki. Mambo akati: Iye munhu wakanaka, unoʋuya neshoko rakanaka. 28Ahimaazi akaɗanidzira akati kunamambo: Rugare! Akakotamira pasi neciso cake pamberi pamambo, akati: Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakaisa kwamuri ʋanhu ʋakaŋga ʋatambanudzira maʋoko aʋo kunashe waŋgu mambo. 29Mambo akati: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati: Pakutumŋa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabi, ndakaʋona nyoŋgano huru, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti cinyiko. 30Mambo akati: Tseɗuka, umire pano. Akatseɗuka, akaramba amire’po. 31Ɀino muKushi akaȿika. MuKushi akati: Ndineshoko kunashe waŋgu mambo; nokuti Jehova wakakutsiʋai nhasi kunaʋose ʋakaŋga ʋakumukirai. 32Mambo akati kumuKushi: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? MuKushi akapindura, akati: Ʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo, naʋose ʋanokumukirai, ŋgaʋaʋe sejaya iro. 33Mambo akavunduka kwaɀo, akakwira kukamuri yakaŋga iri pamsoro pesuʋo, akacema; akaramba acifamba, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu Absaromi! Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu panɀimbo yako, haiwa Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 18: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018