Hatigumbusi ʋamŋe necinhu, kuti kushumira kweɗu kurege kuɀidzwa; asi paɀinhu ɀose tinoɀiratidza saʋashumiri ʋaMŋari, pakutsuŋgirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamaɗambudziko, pakurobga, pakusuŋgwa, pakunyoŋganiswa, pamaɓasa, pakusaʋata, pakuɀinyima ɀokudya; pakucena kwomŋoyo, pakuziʋa, pamŋoyo murefu, paʋunyoro, paMŋeya Mutȿene, paruɗo rusiŋganyeŋgeri; pashoko raɀokwaɗi, pasimba raMŋari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruɓoshwe, nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; saʋanyeŋgeri, asi tiri ʋeɀokwaɗi heɗu; saʋasiŋgazikanwi, asi ticizikanwa heɗu ɀikuru; saʋanofa, asi, tarirai, tiri ʋapenyu heɗu; saʋanorobga, asi tisiŋgaʋurawi heɗu; saʋanocema, asi ticigara ticifara heɗu; saʋarombo, asi ticifumisa ʋazhinji heɗu; saʋasinecinhu, asi tinaɀo ɀose heɗu.