Hatiisi chinopingidza munzira yaani nani zvake, kuti muushandiri hwedu musave nechakaipa, asi isu savaranda vaMwari tinoratidza izvi nenzira dzose nokutirira kwakaomarara nomukutambudzika mune zvinonetsa nomupfumvu mukurohwa nokuiswa mujeri nomunyonganyonga nomumabasa anorema nokuvata takasvinura nomunzara uye tinoratidza izvi noutsvene noruzivo nokutirira nomutsa naMweya Mutsvene norudo rwechokwadi nokutaura zviri pachokwadi nesimba raMwari nezvombo zvoururami kurudyi nokuruboshe, mukuremekedzwa nomukusaremekedzwa, mukushorwa nomukukudzwa. Tinotorwa savanhu vanonyepera kuva zvavasiri asi tiri pachokwadi, tichiitwa setisingazivikanwi asi tichinyatsozivikanwa. Tinoitwa setiri kufa asi tarisai muone tiri vapenyu. Tinoitwa setiri kurangwa asi hatisati tafa. Tinonzi tinosuruvara asi isu tichifara nguva dzose. Tinonzi tiri varombo asi tichipfumisa vazhinji. Tinonzi hatina chinhu asi tiine zvose.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 6:3-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo