Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 35

35
Josia unoitira Jehova paseka.
1Ɀino Josia wakaitira Jehova paseka paJerusarema; ʋakaʋuraya gwaiana repaseka nezuʋa regumi namanna romŋedzi wokutaŋga. 2Akagadza ʋaprista pamaɓasa aʋo, akaʋatsuŋgisa paɓasa reimba yaJehova. 3Akati kuʋaRevi ʋaidzidzisa ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari ʋatȿene kunaJehova: Isai areka tȿene muimba yakaʋakwa naSoromoni mŋanakomana waDavidi mambo waIsraeri; hamucazoʋi nomutoro pamafudzi enyu; ɀino, shumirai Jehova Mŋari wenyu, naʋanhu ʋake Israeri. 4Ɀigadzirei, nedzimba dzamadziɓaɓa enyu namapoka enyu, seɀakanyorwa naDavidi mambo waIsraeri, neɀakanyorwa naSoromoni mŋanakomana wake. 5Mumire panɀimbo tȿene, seɀamakagoʋerwa nedzimba dzamadziɓaɓa ehama dzenyu iʋo ʋana ʋaʋanhu; imba imŋe neimŋe yamadziɓaɓa aʋaRevi ipiwe mugoʋe wayo. 6Muʋuraye gwaiana repaseka, muɀinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite seɀakarebga neshoko raJehova nomuromo waMosesi. 7Ipapo Josia akapa ʋana ʋaʋanhu ɀimŋe ɀipfuwo, makwaiana nembudzana, ɀose kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋari’po, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu, ʋuye nzombe dzineɀuru ɀitatu; iɀi ɀose ɀakabva pafuma yamambo. 8Namacinda ake akapa ʋo nomŋoyo wose kunaʋanhu, naʋaprista, naʋaRevi. Hirkia, naZekaria, naJehieri, ʋaɓati ʋeimba yaMŋari, ʋakapa ʋaprista ɀipfuwo ɀiɗuku ɀineɀuru ɀiʋiri namazana matanhatu, nenzombe dzinamazana matatu, kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka. 9NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabia, naJeyieri, naJozabadi, ʋakuru ʋaʋaRevi, ʋakapa ʋaRevi ɀipfuwo ɀiɗuku ɀineɀuru ɀishanu, nenzombe dzinamazana mashanu, kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka. 10Ƃasa rikagadzirwa saiɀoɀo, naʋaprista ʋakamira panɀimbo yaʋo, naʋaRevi pamapoka aʋo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo. 11Ipapo ʋakaʋuraya makwaiana epaseka, ʋaprista ndokusasa ropa raʋakapiwa naʋo, ʋaRevi ʋakaaviya. 12Ʋakabvisa ɀipiriso ɀinopiswa, kuti ʋaɀipe nemigoʋe yedzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaʋanhu, kuti ʋaɀiɓayire Jehova, seɀakanyorwa mubuku yaMosesi. Ʋakaita saiɀoɀo nenzombe ʋo. 13Ʋakagoca paseka pamŋoto, seɀakaŋga ɀarairwa; ʋakaɓika ɀipiriso ɀitȿene muhari, nomumakate, nomumakaŋgo, ʋakacimbidzika kuɀiisa kuʋana ʋose ʋaʋanhu. 14Pashure ʋakaɀigadzirira iʋo naʋaprista; nokuti ʋaprista ʋanakomana ʋaAroni ʋakaŋga ʋaciɓayira ɀipiriso ɀinopiswa namafuta aɀo kuȿikira ʋusiku; saka ʋaRevi ʋakaɀigadzirira iʋo naʋaprista, iʋo ʋanakomana ʋaAroni. 15Naʋaimbi iʋo ʋanakomana ʋaAsafi, ʋakaŋga ʋari panɀimbo yaʋo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naDavidi, naAsafi, naHemani, naJedutuni muʋoni wamambo; naʋarindi ʋakaŋga ʋari pamasuʋo ose; iʋo haʋana‐kufanira kubva pamaɓasa aʋo, nokuti hama dzaʋo ʋaRevi dzakaʋagadzirira. 16Ƃasa rose raJehova rikagadzirwa saiɀoɀo pazuʋa iro, rokuita paseka, nokuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa paartari yaJehova, seɀakaŋga ɀarairwa namambo Josia. 17Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari’po ʋakaita paseka neŋguʋa iyo, nomutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe. 18Paseka yakaɗai hainakumboitwa pakati paIsraeri kubva pamazuʋa omuprofita Samueri; hakuna‐kumboʋa mumŋe wamadzimambo aIsraeri wakaita paseka yakaŋga yakafanana neyakaitwa naJosia, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaJuda naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋari’po naʋakaŋga ʋagere Jerusarema. 19Paseka iyo yakaitwa negore regumi namasere rokuɓata ʋushe kwaJosia.
Josia unoʋurawa pakurwa naNeko mambo weEgipita.
20Shure kwaiɀoɀo ɀose, Josia agadzira tembere, Neko mambo weEgipita akandorwa naKarkemishi paUfratesi; Josia akandorwa naye. 21Asi iye wakatuma nhume kwaari, aciti: Ndineiko newe, iwe mambo waJuda? Handina‐kuʋuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mŋari wakandiraira kuti ndicimbidzike; ɀino iwe cirega hako kunetsa Mŋari uneni, kuti arege kukuparadza. 22Kunyaŋge ɀakaɗaro Josia wakaramba kumurega, asi wakaɀishandura kuti arwe naye; haana‐kuterera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMŋari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegido. 23Ɀino ʋafuri ʋoʋuta ʋakafura mambo Josia; mambo akati kuʋaranda ʋake: Ndibvisei, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo. 24Ipapo ʋaranda ʋake ʋakamubvisa paŋgoro yake, ʋakamuisa paŋgoro yake yecipiri yaakaŋga anayo, ʋakamuisa Jerusarema; akafa, akaʋigwa mumabgiro amadziɓaɓa ake. ƲaJuda ʋose neJerusarema ʋakacema Josia. 25Jeremia akaita rwiyo rwokucema Josia; naʋaimbi ʋose ʋarume naʋaimbi ʋakadzi ʋakareʋa ɀaJosia panziyo dzaʋo dzokucema kuȿikira nhasi; ʋakaɀiita tsika pakati paIsraeri; tarirai ɀakanyorwa panziyo dzokucema. 26Ɀino mamŋe maɓasa aJosia, neɀakanaka ɀaakaita, ɀakanzwana neɀakanyorwa mumurairo waJehova, 27neɀaakaita, ɀokutaŋga neɀokupedzisira, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aIsraeri naJuda.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 35: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda