II Makoronike 21
21
Jehorami mambo waJuda.
1Ɀino Jehoshafati akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa namadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Jehorami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe. 2Iye wakaŋga anaʋanuŋuna, ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJehoshafati, ʋaiti: Azaria, naJehieri, naZekaria, naAzaria, naMikaeri, naShefatia; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJehoshafati mambo waIsraeri. 3Ƃaɓa ʋaʋo ʋakaʋapa ɀipo ɀikuru ɀesirveri, nendarama, neɀinhu ɀinokosha, pamŋe cete namaguta akakombga paJuda; asi ʋushe wakabgupa Jehorami, nokuti iye wakaŋga ari weɗaŋgwe. 4Ɀino Jehorami wakati apinda paʋushe bgaɓaɓa ʋake, ndokuɀisimbisa, akaʋuraya ʋanuŋuna ʋake ʋose nomunondo, naʋamŋe ʋo ʋamacinda aIsraeri. 5Jehorami wakaŋga aȿika makore makumi matatu namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere. 6Akafamba nenzira yamadzimambo aIsraeri, seɀakaita imba yaAhabi; nokuti mukunda waAhabi wakaŋga ari mukadzi wake; akaita ɀakaipa pamberi paJehova. 7Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza imba yaDavidi, nokuɗa kwesuŋgano yaakaŋga aita naDavidi, ʋuye nokuti wakaŋga amupikira kuti ucamupa mŋenje iye naʋana ʋake ŋguʋa dzose. 8Ɀino namazuʋa ake ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, ʋakaɀiitira mambo waʋo. 9Ipapo Jehorami akaenda naʋakuru ʋake, aneŋgoro dzake dzose naye; akamuka ʋusiku, akaparadza ʋaEdomi ʋakaŋga ʋakamukomba naʋakuru ʋeŋgoro. 10Naiɀoɀo ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo ʋeRibna ʋo ʋakamumukira neŋguʋa iyo; nokuti wakaŋga arasha Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa ake. 11Wakaita ʋo matunhu akakwirira pamakomo aJuda, akapatisa ʋagere Jerusarema, nokutsausa ʋaJuda. 12Ipapo ŋwadi yakabva kumuprofita Eria, ikaȿika kwaari, iciti: Ɀanzi naJehova Mŋari waɓaɓa ʋako Davidi: Ɀausina‐kufamba nenzira dzaɓaɓa ʋako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJuda; 13asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsraeri, ukapatisa Juda naʋagere Jerusarema, seɀakaita imba yaAhabi, ukaʋuraya ʋo ʋanuŋuna ʋako ʋeimba yaɓaɓa ʋako, ʋakaŋga ʋakanaka kupfuʋura iwe; 14ɀino tarira, Jehova ucaroʋa ʋanhu ʋako, naʋana ʋako, naʋakadzi ʋako, neɀinhu ɀako ɀose, nenjodzi yakaipa; 15iwe ucaʋa nehosha yakaipa yomuʋura kuȿikira ʋura bgako ʋuciɓuɗa kunze nemhaka yehosha iyo zuʋa rimŋe nerimŋe. 16Ɀino Jehova akakurudzira mŋeya yaʋaFiristia neyaʋaArabia, ʋakaŋga ʋari kurutiʋi rwaʋaEtiopia, kuzorwa naJehorami; 17ʋakandorwa naʋaJuda, ʋakapinda nyika yaʋo nesimba, ndokutora nhumbi dzose dzaʋakawana mumba mamambo, naʋanakomana ʋake, naʋakadzi ʋake; naiɀoɀo haana‐kusarirwa nomŋanakomana, kunyaŋge nomumŋe, asi Jehoahazi, muɗuku waʋanakomana ʋake ʋose. 18Shure kwaiɀoɀo ɀose Jehova akamuroʋa muʋura bgake nehosha isiŋgagoni kurapxa. 19Ɀino makore maʋiri akati apera, ʋura bgake ʋukaɓuɗa kunze nemhaka yoʋurwere, akafa nehosha dzakaipa; ʋanhu ʋake ʋakasamupisira, seɀaʋakapisira madziɓaɓa ake. 20Wakaŋga aȿika makore makumi matatu namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere; akaenda hake asiŋgaɗikanwi, ʋakamuʋiga paguta raDavidi, asi haʋana‐kumuʋiga pamarinda amadzimambo.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018