Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 20

20
Jehoshafati unokunda ʋaMoabi naʋaAmoni.
1Shure kwaiɀoɀo ʋana ʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋamŋe ʋaʋaAmoni pamŋe cete naʋo, ʋakaȿika kuzorwa naJehoshafati. 2Ipapo ʋamŋe ʋakaȿika, ʋakaʋudza Jehoshafati, ʋaciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoʋuya, ʋacibva Siria mhiri kweguŋgwa, kuzorwa nemi; tarirai, ʋari paHazazoni‐tamari (ndiro Enigedi). 3Ipapo Jehoshafati akatya, akashiŋgaira kundobvunza Jehova; akatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya panyika yose yaʋaJuda. 4ƲaJuda ʋakaʋuŋgana kuzotȿaka ɓetsero kunaJehova; ʋakabva kumaguta ose aJuda kuzotȿaka Jehova. 5Jehoshafati akasimuka paʋuŋgano yaʋaJuda naʋanhu ʋeJerusarema, mumba maJehova, pamberi poruʋazhe rutȿa; 6akati: Haiwa, Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, imi hamuzi Mŋari uri kuɗeŋga here? Imi hamuzi muɓati woʋushe bgose bgendudzi here? Paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe, naiɀoɀo hapanomunhu uŋgakudziʋisai. 7Imi Mŋari weɗu, hamuna‐kudziŋga here ʋaigara panyika ino pamberi paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, mukaipa ʋana ʋaAbrahama shamŋari yenyu nokusiŋgaperi? 8Ʋakagara’mo, ʋakakuʋakirai’mo imba tȿene yezita renyu, ʋaciti: 9Kana tikawirwa neɀakaipa, kana munondo wokutoŋga, kana ɗenda, kana nzara, ticamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigocema kwamuri tiri pakutambudzika kweɗu; ipapo mucatinzwa nokutirwira. 10Ɀino tarirai ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi naʋapagomo reSeiri, ʋamusina‐kutendera ʋaIsraeri kupinda pakati paʋo ŋguʋa yaʋakabva panyika yeEgipita, asi ʋakaʋarega, ʋakasaʋaparadza; 11tarirai ʋotitsiʋa, ʋaciʋuya kuzotidziŋga panyika yenyu, yamakatipa iʋe nhaka yeɗu. 12Haiwa, Mŋari weɗu, hamuŋgaʋatoŋgi here? Nokuti hatinesimba rokurwa naʋazhinji aʋa ʋanoʋuya kuzorwa nesu; hatiziʋi catiŋgaita, asi meso eɗu akatarira kwamuri. 13Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakamira pamberi paJehova, pamŋe cete nepxere dzaʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋana ʋaʋo. 14Mŋeya waJehova ukaʋuya pamsoro paJahazieri, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waBenaya, mŋanakomana waJeieri, mŋanakomana waMatanya, muRevi, waʋanakomana ʋaAsafi, pakati peʋuŋgano; 15iye akati: Tererai, imi ʋaJuda mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; ɀanzi naJehova kwamuri: Musatya, kana kuvunduka nokuɗa kwaʋanhu aʋa ʋazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMŋari. 16Ƃurukai maŋgwana mundorwa naʋo; tarirai ʋanokwira napamukwidza weZizi; mucaʋawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri. 17Imi hamuŋgafaniri henyu kurwa’po; ɀigadzirei’po, murambe mumire henyu, muʋone kurwirwa kwenyu naJehova, imi ʋaJuda naʋeJerusarema; musatya kana kuvunduswa; ɓuɗai maŋgwana mundorwa naʋo, nokuti Jehova unemi. 18Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, ciso cakatarira pasi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakawira pasi pamberi paJehova, ʋakanamata Jehova. 19NaʋaRevi ʋaʋana ʋaʋaKohati, naʋana ʋaʋaKora, ʋakasimuka ʋakarumbidza Jehova Mŋari waIsraeri nenzwi guru kwaɀo. 20Ʋakamuka maŋgwanani, ndokuɓuɗira kurenje reTekoa; ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa, Jehoshafati akamira, akati: Cindinzwai imi ʋaJuda nemi mugere Jerusarema; tendai Jehova Mŋari wenyu, mugosimbiswa; tendai ʋaprofita ʋake, mugokunda. 21Ɀino wakati araŋgana naʋanhu, akagadza ʋaifanira kuimbira Jehova, nokumurumbidza neŋguʋo tȿene, ʋakafamba pamberi pehondo, ʋaciti: Ʋoŋgai Jehova, nokuti nyasha dzake hadziperi. 22Ɀino ʋakati ʋacitaŋga kuimba nokurumbidza, Jehova akaisa ʋaʋandiri kuzorwa naʋana ʋaAmoni, naʋaMoabi, naʋapagomo reSeiri, iʋo ʋakaŋga ʋaʋuya kuzorwa naʋaJuda; ʋakakundwa. 23Nokuti ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi ʋakamukira ʋakaŋga ʋagere pagomo reSeiri kuti ʋaʋaʋuraye nokuʋaparadza cose; ɀino ʋakati ʋapedza aʋo ʋakaŋga ʋagere paSeiri, mumŋe nomumŋe ndokuɓatsira pakuʋurayana. 24Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciȿika kuruȿiŋgo rwenharirire rwokurenje, ʋakatarira ʋanhu ʋazhinji, ndokuʋona ɀaʋaɀitunha ɀawira pasi, kwakaŋga kusina‐wakapukunyuka. 25Ɀino Jehoshafati naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika kuzotora ɀaʋaŋgapamba, ʋakawana pakati paʋo fuma zhinji, neɀisimiro, neɀinhu ɀinokosha, ʋakaɀitorera iɀo, asi ʋakakoniwa kuɀitakura ɀose nokuwanda kwaɀo; ʋakaita mazuʋa matatu ʋacitora mhambara, nokuɗa kwokuwanda kwaɀo. 26Ɀino pazuʋa recinna ʋakaʋuŋgana pamupata weBeraka; nokuti ʋakandokudza Jehova ipapo; naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBeraka kuȿikira zuʋa ranhasi. 27Ipapo ʋanhu ʋose ʋaJuda naʋeJerusarema ʋakadzoka, Jehoshafati akaʋatuŋgamirira, ʋakadzokera Jerusarema nomufaro; nokuti Jehova wakaŋga aʋafadza pamsoro paʋaʋeŋgi ʋaʋo. 28Ʋakaȿika Jerusarema nemiteŋgeranwa, nembira, nehwamanda, kuȿikira paimba yaJehova. 29Ipapo ʋushe bgose bgenyika iyo bgakatya Mŋari kwaɀo, pakunzwa kwaʋo kuti Jehova wakarwa naʋaʋeŋgi ʋaIsraeri. 30Ɀino ʋushe bgaJehoshafati bgakaʋa norugare; nokuti Mŋari wake wakamuzorodza pamatiʋi ose.
31Jehoshafati akaɓata ʋushe bgaJuda; wakaŋga aȿika makore makumi matatu namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namashanu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Azuba, mukunda waShirhi. 32Akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake Asa; haana‐kutsauka pairi, akaramba aciita ɀakarurama pamberi paJehova. 33Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa, naʋanhu ʋakaŋga ʋacigere kuteʋera Mŋari wamadziɓaɓa aʋo nomŋoyo wose. 34Ɀino mamŋe maɓasa aJehoshafati, okutaŋga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mŋanakomana waHanani, akaiswa mubuku yamadzimambo aIsraeri.
35Shure kwaiɀoɀi Jehoshafati mambo waJuda wakasuŋgana naAhazia mambo waIsraeri; iye waifamba nenzira yakaipa kwaɀo; 36akasuŋgana naye pakuʋaka ɀikepe ɀaienda Tarshishi; ʋakaʋaka ɀikepe paEzioni‐geberi. 37Ipapo Eriezeri mŋanakomana waDodavahu weMaresha akaprofita pamsoro paJehoshafati, akati: Ɀawasuŋgana naAhazia, Jehova waparadza maɓasa ako. Ɀikepe ɀikaputsika, ɀikakoniwa kuenda Tarshishi.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 20: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda