Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 19

19
Jehoshafati unodzosera ʋanhu kunaJehova.
1Ɀino Jehoshafati mambo waJuda wakadzokera norugare kumusha kwake paJerusarema. 2Ipapo Jehu mŋanakomana womuʋoni Hanani akaenda kundosoŋgana naye, akati kunamambo Jehoshafati: Ɀakanaka kuɓatsira ʋakaipa, nokuɗa ʋanoʋeŋga Jehova here? Nokuɗa kwecinhu ici Jehova wakutsamŋirai. 3Kunyaŋge ɀakaɗaro, ɀimŋe ɀinhu ɀakanaka ɀakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa Asheroti panyika, mukatȿaka Mŋari nomŋoyo wose.
4Jehoshafati akagara paJerusarema, akaɓuɗa ɀe pakati paʋanhu kubva paBeeri‐sheba kuȿikira kunyika yamakomo yaEfraimi, akaʋadzosera ɀe kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. 5Akagadza ʋatoŋgi panyika pamaguta ose akakombga aJuda, guta rimŋe nerimŋe; 6akati kuʋatoŋgi: Cenjerai ɀamunoita; nokuti hamutoŋgeri ʋanhu imi asi Jehova; iye unemi pakutoŋga kwenyu. 7Naiɀoɀo ɀino kutya Jehova ŋgakuʋe nemi; cenjerai, muɀiite, nokuti kunaJehova Mŋari weɗu hakuneɀakaipa, kana kutsaura ʋanhu, kana kugamucira fufuro. 8Jehoshafati wakaisa ʋo paJerusarema ʋamŋe ʋaRevi naʋaprista, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aIsraeri, kuzotoŋga ɀinhu ɀaJehova nemhaka dzenharo. Ipapo ʋakadzokera Jerusarema. 9Akaʋaraira, aciti: Ndiɀo ɀamunofanira kuita mucitya Jehova, makatendeka, munemŋoyo yakarurama. 10Ɀino kana mhaka yenharo ikaȿika kwamuri icibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta aʋo, kana riri shoko rokuʋurayana, kana romurau kana murairo, kana ɀakatemŋa kana ɀakatoŋgwa, munofanira kuʋanyeʋera kuti ʋarege kupara mhaka panaJehova, kuti murege kutsamŋirwa imi nehama dzenyu; itai iɀoɀo, mugorega kuʋa nemhoȿa. 11Ɀino tarirai, Amaria muprista mukuru ucakurairai pamashoko ose aJehova; naZebadia mŋanakomana waIshmaeri, mutariri weimba yaJuda, pamashoko ose amambo; naʋaRevi ʋacaʋa ʋatariri ʋenyu. Itai nesimba, Jehova aʋe naʋakanaka.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda