nokuŋgwara kwako ŋgakukudzwe, newe ʋo ukudzwe, nokuti wakandidziʋirira nhasi kuti ndirege kuteʋura ropa, nokuɀitsiʋa noruʋoko rwaŋgu. Ɀirokwaɀo, naJehova Mŋari waIsraeri mupenyu, iye wakandidziʋirira kuti ndirege kukuitira ɀakaipa, ɗai usina‐kukurumidza kuʋuya kuzosoŋgana neni, Nabari ɀirokwaɀo haazaisarirwa maŋgwana kana kwoedza nomŋana mumŋe womukomana. Naiɀoɀo Davidi akagamucira paruʋoko rwake ɀaakaŋga amuʋigira, akati kwaari: Kwira hako norugare kumba kwako; tarira, ndaterera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi. Abigairi akaȿika kunaNabari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakaŋga wakafanana nomutambo wamambo; mŋoyo waNabari wakaŋga wakafara mukati make, nokuti wakaŋga aɓatwa kwaɀo; naiɀoɀo haana‐kumuʋudza cinhu, kunyaŋge ciɗuku kana cikuru, kuȿikira maŋgwana kwoedza. Ɀino fume maŋgwana, waini yakati yabva kunaNabari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, mŋoyo wake ukafa mukati make, akaita sebge. Mazuʋa aneŋge gumi akati apera, Jehova akaroʋa Nabari, akafa. Ɀino Davidi wakati anzwa kuti Nabari wafa, akati: Jehova ŋgaakudzwe wakanditsiʋa pakuɀidzwa kwaŋgu naNabari, akadziʋirira muranda wake kuti arege kuita ɀakaipa; ɀakaipa ɀaNabari Jehova wakaɀidzosera pamusoro wake. Ipapo Davidi akatuma nhume kunaAbigairi kukumbira kuti aʋe mukadzi wake. Ɀino ʋaranda ʋaDavidi ʋakati ʋaciȿika kunaAbigairi paKarmeri, ʋakataura naye, ʋakati: Davidi wakatitumira kwauri kuzokutora uʋe mukadzi wake. Ipapo akasimuka, akakotamira pasi neciso cake, akati: Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe waŋgu. Abigairi akakurumidza, akasimuka, akataȿa mboŋgoro, akaenda anaʋasikana ʋake ʋashanu; akateʋera nhume dzaDavidi, akaʋa mukadzi wake.