I Samueri 24
24
Davidi unoramba kuʋuraya Sauro.
1Ɀino Sauro wakati adzoka pakuteʋera ʋaFiristia, akaʋudzwa ɀicinzi: Tarirai, Davidi uri murenje reEni‐gedi. 2Ipapo Sauro akatora ʋarume ʋaneɀuru ɀitatu ʋakaŋga ʋatsaurwa kuʋaIsraeri ʋose, akandotȿaka Davidi naʋanhu ʋake pamatombo eŋgururu. 3Akaȿika pamataŋga amakwai panzira pakaŋga paneɓako, Sauro akapinda’mo kuti afukidze tsoka dzake. Ɀino Davidi naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋagere mukati‐kati meɓako. 4Ʋanhu ʋaDavidi ʋakati kwaari: Iri ndiro zuʋa ramakaʋudzwa naJehova, aciti: Tarira, ndicaisa muʋeŋgi wako muruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ipapo Davidi akasimuka, akagura mupendero weŋguʋo yaSauro iye asiŋgaziʋi. 5Asi pashure hana yaDavidi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakaŋga agura ŋguʋo yaSauro. 6Akati kuʋanhu ʋake: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kuitira ishe waŋgu, muzodzwa waJehova, cinhu cakaɗai, nditambanudzire ruʋoko rwaŋgu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehova. 7Naiɀoɀo Davidi akadziʋisa ʋanhu ʋake namashoko iwayo, akasaʋatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akaɓuɗa muɓako, akaenda hake. 8NaDavidi wakasimuka ʋo, akaɓuɗa muɓako, akaɗanidzira kunaSauro, akati: Ishe waŋgu, mambo! Ɀino Sauro wakati aciceuka, Davidi akakotamira pasi neciso, akafugama. 9Davidi akati kunaSauro: Munoterereiko mashoko aʋanhu, ʋanoti: Tarira, Davidi unotȿaka kukukuʋadzai? 10Tarirai, zuʋa rino meso enyu akaʋona kuti Jehova wakakuisai nhasi mumaʋoko aŋgu muɓako; ʋamŋe ʋakati ndikuʋurayei, asi ndakakuregai, ndikati: Handiŋgatambanudzi ruʋoko rwaŋgu kunashe waŋgu, nokuti ndiye muzodzwa waJehova. 11Ɀino ɓaɓa ʋaŋgu, tarirai, hoyo mupendero weŋguʋo yenyu muruʋoko rwaŋgu; nokuti ɀandakagura mupendero weŋguʋo yenyu, ndikasakuʋurayai, muziʋe, muʋone, kuti hakunecakaipa kana kuɗarika kwandiri; handina‐kukutadzirai, kunyaŋge makandivima kuti munditorere ʋupenyu bgaŋgu. 12Jehova ŋgaatoŋge pakati paŋgu nemi, Jehova ŋgaanditsiʋe kwamuri; asi ruʋoko rwaŋgu haruŋgarwi nemi. 13Seɀinoreʋa shumo yaʋekare: Kunowakaipa kunoɓuɗa ɀakaipa; asi ruʋoko rwaŋgu haruŋgarwi nemi. 14Ko mambo waIsraeri wakaɓuɗa acitȿaka aniko? Munodziŋgana naniko? Imbga yakafa, rutata harwo. 15Naiɀoɀo Jehova ŋgaaʋe mutoŋgi, ŋgaatoŋge pakati paŋgu nemi, aʋone, andireʋerere pamhoȿa yaŋgu, andirwire paruʋoko rwenyu. 16Davidi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kunaSauro, Sauro akati: Inzwi rako here, mŋana waŋgu Davidi? Sauro akacema kwaɀo. 17Akati kunaDavidi: Iwe unondikunda pakururama, nokuti iwe wakandiitira ɀakanaka, asi ini ndakakuitira ɀakaipa. 18Warondedzera nhasi pawakandiitira ɀakanaka, nokuti hauna‐kundiʋuraya, kunyaŋge Jehova akandiisa muruʋoko rwako. 19Nokuti kana munhu aciŋge awana muʋeŋgi wake, uŋgamurega akaenda hake here? Naiɀoɀo Jehova ŋgaakuripire ɀakanaka nokuɗa kweɀawakandiitira nhasi. 20Ɀino tarira, ndinoziʋa kuti iwe ucazoʋa mambo ɀirokwaɀo, ʋuye kuti ʋushe bgaIsraeri bgucasimbiswa muruʋoko rwako. 21Naiɀoɀo pika ɀino kwandiri naJehova kuti hauŋgaparadzi ʋana ʋaŋgu ʋanonditeʋera, ʋuye kuti hauŋgaparadzi zita raŋgu mumba maɓaɓa ʋaŋgu. 22Ipapo Davidi akapika kunaSauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Davidi naʋanhu ʋake ʋakaenda kunhare yaʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
I Samueri 24: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018