Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 6

6
Kuʋakwa kwetembere.
1Ɀino pagore ramazana manna namakumi masere shure kwokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita, pagore recinna rokuɓata ʋushe kwaSoromoni pakati paIsraeri, nomŋedzi weZifi, ndiwo mŋedzi wecipiri, wakataŋga kuʋaka imba yaJehova. 2Imba yakaʋakirwa Jehova namambo Soromoni yakaȿika makubiti makumi matanhatu pakureɓa kwayo, namakubiti makumi maʋiri paʋupamhi bgayo, namakubiti makumi matatu pakukwirira kwayo; 3ʋuye ɓiraʋira pamberi petembere yeimba yaJehova rakaȿika makubiti makumi maʋiri pakureɓa kwaro, ɀicienzana noʋupamhi bgeimba; ʋupamhi bgaro bgakaȿika makubiti anegumi pamberi peimba. 4Akaitira ʋo imba mawindi eɀitanda ɀakacinjikwa. 5Akaʋaka dzimba dzakaturikidzana pacidziro ceimba kunhiʋi dzose, pamadziro eimba kunhiʋi dzose, etembere napaitaura Jehova; akaita ʋo makamuri panhiʋi dzose dzakapoteredza; 6ʋupamhi bgeimba yapanyasi bgaiʋa namakubiti mashanu, noʋupamhi bgeimba yapakati makubiti matanhatu, noʋupamhi bgeimba yecitatu makubiti manomŋe; nokuti necokunze wakaʋaka ɀitukuriso pamadziro eimba kunhiʋi dzose, kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro eimba. 7Ɀino imba pakuʋakwa kwayo, yakaʋakwa namabge akaŋga agadzirwa ipapo paʋaiaputsa; pakuʋakwa kwayo hakuna‐kunzwika mukati meimba nyundo, kana sanhu, kana nhumbi ipi neipi yeɗare. 8Mukoʋa wamakamuri apanyasi enhiʋi wakaŋga uri kurutiʋi rworudyi rweimba; ɀino ʋaikwira neɀikwiriso ɀinomonereka kumakamuri apakati, ʋuye kana ʋobva panaapakati ʋacienda kuneecitatu. 9Naiɀoɀo akaʋaka imba, akaipedza; ndokufukidza imba namatanda ʋuye namapuraŋga emisidari. 10Akaʋaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imŋe neimŋe yakaŋga yakaita makubiti#6:10 Kubiti rimŋe kubva pagokora kuȿikira paminwe. mashanu pakukwirira kwayo, dzikaɓatanidzwa paimba namatanda emisidari.
11Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSoromoni, riciti: 12Kana iri imba iyi yaunoʋaka, kana ukafamba nemitemo yaŋgu, ukaita ɀandakatoŋga, ukaceŋgeta mirairo yaŋgu yose ukafamba nayo, ini ndicasimbisa shoko raŋgu newe, iro randakataura kunaDavidi ɓaɓa ʋako. 13Ndicagara pakati paʋana ʋaIsraeri, handiŋgarashi ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
14Naiɀoɀo Soromoni akaʋaka imba, akaipedza. 15Akaʋaka madziro eimba mukati namapuraŋga omusidari; kubva paguʋa reimba kuȿikira paɗeŋga ramadziro, akaafukidza necomukati namapuraŋga; akafukidza guʋa reimba namapuraŋga omusipresi. 16Akaʋaka ʋo neceshure kweimba imŋe imba yakaȿika makubiti anamakumi maʋiri namapuraŋga omusidari kubva paguʋa kuȿikira pamsoro pamadziro; akaiʋaka iyo paʋe paŋgataura Jehova, iri nɀimbo tȿene‐tȿene. 17Ɀino imba, iyo tembere, yakaŋga iri pamberi, yakaȿika makubiti makumi manna. 18Matanda omusidari mukati meimba akaŋga akaʋezwa namafundo namaruʋa akazaruka; yaiʋa misidari yoga, kwaŋga kusinebge rakaʋonekwa. 19Akagadzira paŋgataura Jehova mukati meimba, kuti agadzike’po areka yesuŋgano yaJehova. 20Paŋgataura Jehova mukati pakaȿika makubiti makumi maʋiri pakureɓa kwapo, namakubiti makumi maʋiri paʋupamhi bgapo, namakubiti makumi maʋiri pakukwirira kwapo; akaɀifukidza ɀose nendarama yakaiȿo‐naka; neartari akaifukidza nomusidari. 21Naiɀoɀo Soromoni wakafukidza imba yose necomukati mayo nendarama yakaiȿo‐naka; akacinjikisa maketani endarama pamberi papaŋgataura Jehova, akaifukidza nendarama. 22Akafukidza imba yose nendarama kuȿikira imba yose yapera; akafukidza ʋo artari yose yaiʋa yapaŋgataura Jehova nendarama. 23Akaitira paŋgataura Jehova makerubi maʋiri omuorivi, rimŋe nerimŋe rakaȿika makubiti anegumi pakureɓa. 24Ƃapiro rimŋe rekerubi rakaȿika makubiti mashanu pakureɓa kwaro, nerimŋe ɓapiro ʋo rekerubi makubiti mashanu; kubva pamuromo weɓapiro rimŋe kuȿikira pamuromo werimŋe ɀe, aiʋa makubiti anegumi. 25Rimŋe kerubi rakaȿika ʋo makubiti anegumi; makerubi ose maʋiri akaŋga akaenzana pakukura nokuʋumbga. 26Rimŋe kerubi rakaȿika makubiti anegumi, ʋuye ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita rimŋe ʋo. 27Akagadza makerubi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubi akaŋga akatambanudzwa, ɓapiro rimŋe rekerubi rimŋe rakaȿika kumadziro mamŋe, ʋuye ɓapiro rimŋe rekerubi rimŋe ɀe rakaȿika kunamamŋe madziro; mapapiro awo akagunɀana pakati peimba. 28Akafukidza makerubi nendarama. 29Akaʋeza pamadziro ose eimba kunhiʋi dzose mifananidzo yakaʋezwa yamakerubi nemicindwe, namaruʋa akazaruka, mukati nokunze; 30akafukidza ʋo guʋa reimba nendarama, mukati nokunze. 31Akaitira mikoʋa yapaŋgataura Jehova magonhi omuorivi; ciʋiʋo capamsoro namagwatidziro ɀakaita makona mashanu. 32Naiɀoɀo akaita magonhi maʋiri omuorivi, akaʋeza pamsoro pawo mifananidzo yamakerubi nemicindwe, namaruʋa akazaruka, akaafukidza nendarama; akaisa ndarama pamsoro pamakerubi napamicindwe. 33Saiɀoɀo ʋo akaitira mikoʋa yetembere ɀiʋiʋo ɀemiorivi, ɀakaŋga ɀinenhiʋi inna dzakaenzana; 34namagonhi maʋiri omusipresi; mapeŋga maʋiri egonhi rimŋe aipetwa, ʋuye mapeŋga maʋiri erimŋe gonhi ɀe aipetwa. 35Akaʋezera’po makerubi nemicindwe namaruʋa akazaruka; akaɀifukidza nendarama, yakanatso‐iswa pamsoro peɀakaʋezwa. 36Akaʋaka ruʋazhe rwomukati nemisara mitatu yamabge akaʋezwa, nomusara wamatanda omusidari. 37Nheyo dzeimba yaJehova dzakaʋambga negore recinna raSoromoni, nomŋedzi weZivi. 38Negore regumi nerimŋe, nomŋedzi weBuri, ndiwo mŋedzi worusere, imba ikapera cose neɀose ɀayo, seɀayaifanira kuʋakwa. Naiɀoɀo wakapedza makore manomŋe pakuiʋaka.

Zvasarudzwa nguva ino

I Madzimambo 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda