Ini, hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgagoni kutaura nemi sokunaʋoMŋeya, asi sokunaʋenyama, sokunaʋacece munaKristu. Ndakakupai mukaka munwe, handina‐kukupai ɀokudya; nokuti makaŋga musiŋgagoni kudya, naɀino hamugoni. Nokuti muciri ʋenyama; nokuti ɀapacinegoɗo pakati penyu, negakaʋa, ko hamuzi ʋenyama, mucifamba nomutoʋo waʋanhu here? Nokuti kana mumŋe aciti: Ini ndiri waPauro; mumŋe: Ini ndiri waAporo; ko hamuzi ʋanhu here? Ɀino Aporo cinyiko? Pauro cinyiko? Ʋashumiri ʋamakatenda naʋo, mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo wakaɗiridza; asi Mŋari wakameresa. Naiɀoɀo unosima haazi cinhu, kana unoɗiridza; asi Mŋari unomeresa. Ɀino unosima nounoɗiridza ndaʋamŋe; asi mumŋe nomumŋe ucapiwa muɓairo wake, seɀaakaɓata. Nokuti tiri ʋaɓati pamŋe cete naMŋari; muri munda waMŋari, muri imba yaMŋari.
Verenga chikamu I ƲaKorinte 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I ƲaKorinte 3:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo