1 VaKorinde 3:1-9
1 VaKorinde 3:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokuna voMweya, asi sokuna venyama, sokuna vacheche muna Kristu. Ndakakupai mukaka munwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni. Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here? Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro;” mumwe, “Ini ndiri waAporo;” ko hamuzi vanhu here? Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa. Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
1 VaKorinde 3:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu. Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino. Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here? Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here? Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
1 VaKorinde 3:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kana iniwo, hama dzangu, handina kukwanisa kutaura kwamuri savanhu vana Mweya asi savanhu venyama uye savacheche muna Kristu. Ndakakurerai nomukaka kwete nesadza nokuti makanga musati mokwanisana naro. Nyangwe nazvino wose hamusati mokwanisana naro. Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama, nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana pakati penyu, hamusi vanhu venyama here muchizvibata savanhuwo zvavo? Ko kana munhu achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi hamusati muchingova vanhu chete here? Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo. Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure. Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.

1 VaKorinde 3:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

1 VaKorinde 3:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini, hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgagoni kutaura nemi sokunaʋoMŋeya, asi sokunaʋenyama, sokunaʋacece munaKristu. Ndakakupai mukaka munwe, handina‐kukupai ɀokudya; nokuti makaŋga musiŋgagoni kudya, naɀino hamugoni. Nokuti muciri ʋenyama; nokuti ɀapacinegoɗo pakati penyu, negakaʋa, ko hamuzi ʋenyama, mucifamba nomutoʋo waʋanhu here? Nokuti kana mumŋe aciti: Ini ndiri waPauro; mumŋe: Ini ndiri waAporo; ko hamuzi ʋanhu here? Ɀino Aporo cinyiko? Pauro cinyiko? Ʋashumiri ʋamakatenda naʋo, mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo wakaɗiridza; asi Mŋari wakameresa. Naiɀoɀo unosima haazi cinhu, kana unoɗiridza; asi Mŋari unomeresa. Ɀino unosima nounoɗiridza ndaʋamŋe; asi mumŋe nomumŋe ucapiwa muɓairo wake, seɀaakaɓata. Nokuti tiri ʋaɓati pamŋe cete naMŋari; muri munda waMŋari, muri imba yaMŋari.