Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 3:1-9

1 Vakorinde 3:1-9 SCLB

Kana iniwo, hama dzangu, handina kukwanisa kutaura kwamuri savanhu vana Mweya asi savanhu venyama uye savacheche muna Kristu. Ndakakurerai nomukaka kwete nesadza nokuti makanga musati mokwanisana naro. Nyangwe nazvino wose hamusati mokwanisana naro. Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama, nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana pakati penyu, hamusi vanhu venyama here muchizvibata savanhuwo zvavo? Ko kana munhu achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi hamusati muchingova vanhu chete here? Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo. Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure. Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.