Ndiɀo ɀakaita ʋo kumuka kwaʋakafa. Muʋiri unodɀarwa pakuʋora; unomutswa pakusaʋora; unodɀarwa pakuɀidzwa, unomutswa pakubginya; unodɀarwa paʋutera, unomutswa pasimba. Unodɀarwa uri muʋiri wokuɓerekwa, unomutswa uri muʋiri womŋeya. Muʋiri wokuɓerekwa uri’po, nomuʋiri womŋeya uri’po. Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga.
Verenga chikamu I ƲaKorinte 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I ƲaKorinte 15:42-49
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo