Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 10:23-33

I ƲaKorinte 10:23-33 SUB1949

Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀose haɀindiɓatsiri. Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀose haɀisimbisi. Munhu ŋgaarege kuɀitȿakira ɀake, asi ɀomumŋe. Idyai ɀose ɀinoteŋgwa panoteŋgeswa nyama, musingabvunzi cinhu nokuɗa kwehana; nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo. Kana mumŋe waʋasiŋgatendi akakukokerai kuzodya, kana mukaɗa kuenda, idyai ɀose ɀinoiswa pamberi penyu, musiŋgabvunzi cinhu nokuɗa kwehana. Asi kana mumŋe akati kwamuri: Ici cakaɓayirwa ɀifananidzo, regai kudya nokuɗa kwaiye wakakuratidzai, ʋuye nokuɗa kwehana; handireʋi hana yako, asi yomumŋe; nokuti kusunuŋguka kwaŋgu kunotoŋgerweiko nehana yomumŋe? Kana im ndicidya ndiciʋoŋga, ndiŋgagotukirweiko nokuɗa kwecinhu candinoʋoŋga pamsoro paco? Naiɀoɀo, kana mucidya, kana mucinwa, kana muciita cinhu cipi necipi, itai ɀose kuti Mŋari akudzwe. Regai kugumbusa kana ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana kereke yaMŋari. Seni ʋo ndinofadza ʋanhu ʋose paɀinhu ɀose, ndisiŋgatȿaki ɀiŋgandiɓatsira ini, asi ɀiŋgaɓatsira ʋazhinji, kuti ʋaponeswe.