“Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.” Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe. Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana; nokuti nyika ndeyaIshe nokuzara kwayo. Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana. Asi kana mumwe akati kwamuri, “Ichi chakabayirwa zvifananidzo,” regai kudya nokuda kwaiye akakuratidzai, uye nokuda kwehana; handirevi hana yako, asi yomumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe? Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho? Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe. Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari. Seniwo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 10:23-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo