Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 1:20-31

I ƲaKorinte 1:20-31 SUB1949

Wakacenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mŋari haana‐kuita ʋucenjeri bgenyika bguʋe ʋupenzi here? Nokuti noʋucenjeri bgaMŋari, nyika noʋucenjeri bgayo, ɀaisina‐kuziʋa Mŋari, Mŋari wakafadzwa naɀo kuti ʋanotenda aʋaponese noʋupenzi bgokuparidza. Nokuti ʋaJuda ʋanokumbira ɀiratidzo, naʋaGiriki ʋanotȿaka ʋucenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, wakaroʋerwa pamucinjikwa, cigumbuso kuʋaJuda, noʋupenzi kuʋahedeni; asi kunaʋakaɗanwa, ʋaJuda naʋaGiriki, Kristu isimba raMŋari, noʋucenjeri bgaMŋari. Nokuti ʋupenzi bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu noʋucenjeri; noʋutera bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu nesimba. Nokuti tarirai kuɗanwa kwenyu, hama dzaŋgu, kuti haʋazi ʋazhinji ʋakacenjera panyama ʋakaɗanwa; haʋazi ʋazhinji ʋanesimba, haʋazi ʋazhinji ʋanokudzwa; asi Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀoʋupenzi ɀenyika, kuti anyadzise ʋakacenjera; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀisinesimba ɀenyika, kuti anyadzise iɀo ɀinesimba; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀinoɀidzwa ɀenyika, neɀinoshoʋorwa, neɀinhu ɀisi’po, kuti ashaise ɀiri’po simba raɀo, kuti kurege kuʋa nenyama iŋgaɀikudza pamberi paMŋari. Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu ʋucenjeri bgunobva kunaMŋari, nokururama, noʋutȿene, norudzikinuro. Kuti unoɀirumbidza, ngaaɀirumbidze munaShe, seɀaɀakanyorwa.