Akachenjera aripiko? Munyori aripiko? Muiti wenharo wenyika ino aripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here? Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza. Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, noupenzi kuvahedheni; asi kuna vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu nesimba. Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa; asi Mwari akatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba; Mwari akatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, nezvinoshorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise zviripo simba razvo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi paMwari. Asi naye muri muna Kristu Jesu, iye akatiitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nokururama, noutsvene, norudzikinuro. Kuti anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe, sezvazvakanyorwa.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 1:20-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo