Mungwaru achazova papi ipapa? Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi? Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo? Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano, huve upenzi here? Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza. VaJudha vanoda zvishamiso vaGiriki vanotsvaga ungwaru. Asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa. Izvi chigumburo kunavaJudha uye upenzi zvahwo kune vechirudzi. Kuna vakadaidzwa zvavo, vangave vaJudha kana vaGiriki, tinoparidza Kristu, iye simba raMwari noungwaru hwaMwari. Upenzi hwaMwari ungwaru kupinda ungwaru hwavanhu uye utera hwaMwari hune simba kupinda ravanhu. Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru. Asi Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika samazungairwa kuti anyadzise vangwaru. Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika savasina simba kunyadzisa vakasimba. Mwari akasarudza vanoonekwa savapasi pasi navanhu vakazvidzika panyika kuti zvinonzi ndizvo zvinhu kwazvo zvive zvenhando kuitirawo kuti pashaye munhu anozvikudza pamberi paMwari. Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu hwenyu muna Kristu Jesu waakaita kuti ave ndiye ungwaru hwedu, uye kuti ave ndiye anotiruramisa, anotiita vatsvene nokuva rudzikinuro rwedu. Saizvozvo, sokunyorwa kwazvakaitwa, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi.”
Verenga chikamu 1 Vakorinde 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 1:20-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo