I Makoronike 10
10
Kufa kwaSauro naʋanakomana ʋake ʋatatu.
1Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa naʋaIsraeri; ʋarume ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paʋaFiristia, ʋakawira pasi ʋaʋurawa pagomo reGirboa. 2ƲaFiristia ʋakateʋerera Sauro naʋanakomana ʋake kwaɀo, ʋaFiristia ʋakaʋuraya Jonatani, naAbinadabi, naMarkishua, ʋanakomana ʋaSauro. 3Sauro akakurirwa kwaɀo pakurwa, ʋafuri ʋoʋuta ʋakamuɓata; akatambudzika kwaɀo nokuɗa kwaʋafuri ʋoʋuta. 4Ipapo Sauro akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Vomora munondo wako, undiɓaye nawo, kuti aʋa ʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kuȿika ʋandiɗaɗire. Asi muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakaŋga acitya kwaɀo. Naiɀoɀo Sauro akatora munondo wake, akaɀiwisira pauri. 5Ɀino muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati aciʋona kuti Sauro wafa, naiye akaɀiwisira ʋo pamunondo wake, akafa ʋo. 6Naiɀoɀo Sauro akafa naʋanakomana ʋake ʋatatu; ʋeimba yake yose ʋakafa pamŋe cete. 7Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere pamupata uyo, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋatiza, ʋuye kuti Sauro naʋanakomana ʋake ʋafa, iʋo ʋakabva pamaguta aʋo, ʋakatiza; ʋaFiristia ʋakaȿika ʋakagara’mo.
8Ɀino fume maŋgwana ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋuya kuzokunuŋgura ʋakaŋga ʋaʋurawa, ʋakawana Sauro naʋanakomana ʋake ʋatatu ʋakafa pagomo reGirboa. 9Ʋakamukunuŋgura, ʋakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakatuma nhume kumatiʋi ose enyika yaʋaFiristia, kundoziʋisa ɀifananidzo ɀaʋo naʋanhu ʋaʋo shoko iro. 10Ʋakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaʋamŋari ʋaʋo, ʋakasuŋgira musoro wake mumba maDagoni. 11Ɀino ʋanhu ʋose ʋeJabeshi‐gireadi ʋakati ʋanzwa ɀose ɀakaŋga ɀaitirwa Sauro naʋaFiristia, 12mhare dzose dzikasimuka, ʋakabvisa citunha caSauro neɀitunha ɀaʋanakomana ʋake ʋakaenda naɀo Jabeshi, ʋakaʋiga mafupa aʋo pasi pomuouki paJabeshi, ʋakaɀinyima ɀokudya mazuʋa manomŋe. 13Naiɀoɀo Sauro akafa nokuɗa kwokuɗarika kwake kwaakaitira Jehova, ʋuye nokuɗa kweshoko raJehova raasina‐kuceŋgeta; ʋuye nokuti wakatȿaka mano kuȿikiro, kubvunza naro, 14akasabvunza Jehova; naiɀoɀo wakamuʋuraya, akaisa ʋushe kunaDavidi mŋanakomana waJese.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018