1
Muparidzi 3:1
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 3:2-3
nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura; nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka
3
Muparidzi 3:4-5
nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana; nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega
4
Muparidzi 3:7-8
nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura; nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
5
Muparidzi 3:6
nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa
6
Muparidzi 3:14
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.
7
Muparidzi 3:17
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo