1
Muparidzi 3:1
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 3:2-3
Pane nguva yokuberekwa nenguvawo yokufa. Pane nguva yokusima nenguvawo yokudzipura zvakasimwa. Pane nguva yokuuraya nenguvawo yokuporesa. Pane nguva yokupaza nenguvawo yokuvaka.
3
Muparidzi 3:4-5
Pane nguva yokuchema nenguvawo yokuseka. Pane nguva yokuungudza nenguvawo yokupembera. Pane nguva yokukanda mambwe uko nokoko nenguvawo yokuunganidza mabwe. Pane nguva yokumbundirana nenguvawo yokusambundirana.
4
Muparidzi 3:7-8
Pane nguva yokubvarura nenguvawo yokusona. Pane nguva yokunyarara nenguvawo yokutaura. Pane nguva yokuda nenguvawo yokuvenga. Pane nguva yehondo nenguvawo yorugare.
5
Muparidzi 3:6
Pane nguva yokutsvaka nenguvawo yokurasa. Pane nguva yokuchengeta nenguvawo yokurasa.
6
Muparidzi 3:14
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvicharamba zviripo nokusingaperi, hapana chingawedzerwe pazviri kana chingabviswe pazviri. Mwari akaita izvozvo kuitira kuti vanhu vamutye.
7
Muparidzi 3:17
Ndakazviti nechomumwoyo, “Mwari achatonga vakarurama navakaipa nokuti akatemera chinhu chimwe nechimwe nguva yacho uye nguva yebasa roga roga.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo