1
Kuverengwa 13:30
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Asi Karebhu akanyaradza vanhu vaiva pana Mosesi achiti, “Handeiko izvozvi, tindoitora. Chokwadi, tinokwanisa kuzviita.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kuverengwa 13:33
Takaonawo hofori dzavanhu vorudzi rwaAnakimu. Isu takanga takaita sehwiza ndiko kutiona kwavaitiita.”
3
Kuverengwa 13:31
Varume vaya vakanga vaenda naye vakati, “Hatikwanisi kundomirisana navo nokuti vakasimba kupinda isu.”
4
Kuverengwa 13:32
Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo.
5
Kuverengwa 13:27
Vakarondedzera Mosesi vachiti, “Takasvika kunyika yamakatituma. Ichokwadi kuti nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Heino michero yayo yatauya nayo.
6
Kuverengwa 13:28
Asi vanhu vageremo vane simba. Maguta avo makuru kwazvo akanyatsokomberedzwa netsvingo. Kunyange hofori dzorudzi rwavaAnaki takadziona ikoko.
7
Kuverengwa 13:29
Rudzi rwaAmareki rugere nechokumaodzanyemba kwayo. VaHiti navaJebhusi navaAmori vanogara mumakomo. VaKanani vari kumadokero pedyo negungwa nepedyo perwizi rwaJorodhani.”
8
Kuverengwa 13:26
Vakafamba vakasvika kwaiva naMosesi naAroni navaIsiraeri vose kunzvimbo inonzi Kadheshi iri kurenje reParani. Vakavataurira zvavakanga vaona ivo negungano rose vakavaratidza michero yenyika iyoyo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo