1
Isaya 40:29
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Anopa simba munhu anenge arukutika, anenge asina simba anomusimbaradza.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 40:30-31
Kunyange vechidiki vanorukutika vachitoneta, majaya anowira pasi nokuneta asi vanovimba naTenzi simba ravo richavandudzwa, vachabhururuka namapapiro samakondo vachamhanya asi vasinganeti vachafamba asi vasingarukutiki.
3
Isaya 40:28
Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here kuti, Tenzi ndiye Mwari, Chidzachepo kuti ndiye Musiki wenyika yose zvayo kusvika kwainoperera? Haamborukutika kana kuneta zvako, udzamu hwepfungwa dzake hakuna angahubate.
4
Isaya 40:3
Izwi rinodaidzira richiti, “Gadzirai murenje mugwagwa waTenzi, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa mukuru mugwenga.
5
Isaya 40:8
Uswa hunouna, ruva rinosvava asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
6
Isaya 40:5
Mbiri yaTenzi ichaburitswa pachena, vanhu vose vachaiona pamwechete, nokuti Tenzi anozvitaura nomromo wake.”
7
Isaya 40:4
Mapani ose ngaafushirwe, makomo ose nezvikomo ngazviparadzirwe zviti pasi sandarara. Panenge pasina kuenzana panyatsonzi chechetere, pana magadhi magadhi panyatsoti ware ware.
8
Isaya 40:11
Achafudza zvipfuwo zvake somufudzi achagumbatira hwayana mumaoko ake achidzitakura pachifuva chake achinyatsonanaidza dzina vana.
9
Isaya 40:26
Munodiiko kumbosimudza musoro mukaonawo kuti ndiani chaizvo akasika zvose izvozvi, iye anozvitungamirira sehondo nouwandi hwazvo kudaro achizvidaidza zvose namazita. Pamusana poukuru hwesimba rake uye nokuti pasimba chikakarara chaicho, hapana nechimwe chinenge chisipo.
10
Isaya 40:22
Iye agere pamusoro peziendanakuenda rakatenderedza nyika ina vanhu vageremo, vakaita sezvitaunhau iye akawarira matenga sejira rokudzikatirisa anoatambanudza somusasa wetendhe wokugara
11
Isaya 40:2
“Taurirai Jerusaremu mazwi anonyaradza mwoyo, muparidze Jerusaremu kuti nguva yenyu yehondo yapera uye kuti mhosva yenyu yaregererwa uyewo kuti makatogamuchira kare kakapetwa kaviri chirango cheshamhu yaTenzi chezvitadzo zvenyu zvose.”
12
Isaya 40:6-7
Izwi rakati, “Daidzira!” Ini ndikati, “Ndodaidzira kuti kuti?” Iti, “Vanhu vose zvavo uswa norunako rwavo rwakaita seruva zvaro resango. Uswa hunouna, ruva rinosvava pazvinongorohwa nemhepo inofuridzwa naTenzi kwazviri, chokwadika vanhu uswa zvahwo.
13
Isaya 40:10
Tarisai muone, Tenzi ari kuuya nesimba rake anotonga nesimba roruoko rwake. Tarirai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.
14
Isaya 40:1
“Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu” ndizvo zviri kutaura Mwari wenyu
15
Isaya 40:12-14
Ndiani akamboera mvura yamakungwa nechanza choruoko rwake kana akamboerawo matenga nechanza chake, kana akamboisa ivhu rapasi pose zvapo mumugomo kunyange kuera makomo muzvikero, kana zvikomo muchikero chomurengarenga? Ndiani akambotungamirira Mweya waTenzi, kana segweta rake achimurayiridza; waakambondobvunza mazano kuti amujekesere ndiani; akambomudzidzisa gwara roruenzaniso ndiani, akambomudzidzisa amupa ruzivo ndiani; akamuratidza nzira yokunzwisisa nayo?
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo