Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri:
“Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu
anogara narini narini wose.
Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa,
hutongi hwake huchavako
kudzamara kumagumo chaiko.
“Anonunura uye anoponesa,
anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napasi
iye akanunura Dhanieri mukanwa meshumba.”