Asi iwe wakatozvitutumadza zvako uchikanganisira Tenzi Wedenga. Ukatoraka iwe midziyo yomumba make ikaunzwa pauri, iwewe namadzishe ako navakadzi vako navarongo vako ukanwira mairi uchitorumbidza hako vamwari vesirivha nevendarama nevendarira nevesimbi nevezvimiti navamabwe, vasina chavanoona kana kunzwa vasina nechavanoziva. Asi Mwari, iye akabata upenyu hwako mumaoko make, iye anoti kwaanenge ati unoenda ndiko kwaunoenda hauna kumuremekedza.